Accessibility links

Breaking News

WFP Inotsigirwa neIndia Kupa Mbeu Varimi kuMasvingo neMatabeleland North


WFP Sexual Abuses
WFP Sexual Abuses

Hurumende yeIndia ichishanda pamwe chete nesangano reWorld Food Program, WFP, nhasi yapa varimi vekuMatabeleland North neMasvingo mbeu dzisingade mvura yakawanda pakurima sezvo matunhu aya asingawanzonaya mvura yakawanda kuitira kuti vagari venzvimbo idzi vagowana zvokudya.

Vagari venhauraunda yeMangwe mudunhu reMatabeleland North pamwe neChiredzi mudunhu reMasvingo vapihwa mbeu nehurumende yeIndia ichishanda pamwe chete neWFP.

Mbeu idzi imbeu dzisingade mvura yakawanda pakudzirima dzinosanganisira chibage, zviyo nemapfunde.

Vachitaura pakutambidzwa kwevarimi ava mbeu idzi, mumiriri weIndia muZimbabwe, VaShri Vijay Khanduja, vati hurumende yavo ine kudyidzana kwakasimba neZimbabwe munyaya dzezvehupfumi, kurima nehutano nezvimwe zvakadaro.

VaKhanduja vati kusimukira kwevarimi ndiko kusimukirawo kwehupfumi hwenyika pamwe nemagariro everuzhinji munyika.

Mukuru weWFP muZimbabwe, Muzvare Francesca Erdelmann, vati varimi vazhinji vari kukanganiswa nekushanduka kwemamiriro ekunze zvakanyanya kunyange hazvo vasina zvizhinji zvavanoita zvinokonzera kushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti climate change.

Vanga vakamirira hurumende pakutambidzwa kwembesa idzi kuvarimi vekuChiredzi neMangwe uye vachishanda mubazi rezvekurima, VaStancelaus Tapererwa, vati vafara zvikuru neruyamuro urwu.

Mudhumeni mukuru mupurovhinzi yeMasvingo, VaAaron Muchazivepi, vati mbeu dzisingade mvura yakawanda dzavapihwa idzi dzichaita kuti varimi vakohwe pakuru mwaka uno zvavati zvichaderedza nyaya yenzara mudunhu ravo pamwe nenyika yose.

Pasi pehurongwa hwekubatsira varimi vane minda midiki, WFP yakabatsira varimi zviuru makumi matanhatu nemazana matatu ane makumi mashanu nevanomwe (60 357) nembeu gore rapera uye sangano iri rinoti riri kuwedzera rubatsiro rwaro gore rino kuvarimi vekumaruwa zviuru makumi matanhatu nezvitatu zvine mazana maviri (63 200).

Gore rino nyika yakave nemaguta zvichitevera kunaya zvakanaka kwakaita mvura uye hurumende iri kutarisira kuti vanhu vachakohwa zvakanaka gore rinouya kana denga rikaramba rakavhurika.

Kunyange hazvo mvura yakanaya zvakanaka munzvimbo dzakawanda munyika, vamwe varimi vekuMangwe neChiredzi vanonzi havana kukohwa pakuru sezvo vakanga vasina mbeu dzinoda mvura shomanana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG