Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatsirwa neMari yeKugadzirisa Magetsi neMvura neNyika dzeKumavirira


Nyika dzekumavirira dzapa neChitatu Zimbabwe mari ichashandiswa mukusimudzirwa kwenyaya dzekuwanira veruzhinji magetsi nemvura.

Nyika dzapa Zimbabwe mari pasi pehomwe ye Zimfund iyi dzinoti Germany, Australia, Norway, Denmark pamwe ne Britain.

Rubatsiro urwu rwunouya kunyange hazvo mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe,
vachigarotsoropodza nyika idzi.

Vachitaura pakutambidzwa kwavaitwa mari iyi yapihwa Zimbabwe pasi pechirongwa Zimbabwe Multi Donor Trust Fund, Zimfund, mutevedzeri wegurukota rezvemari, Va Samuel Undenge, vati mari iyi, iyo inoita mamiriyoni makumi matatu nezviuru mazana maviri zvemadhora ichashandiswa mukucheneswa kwemvura,
kugadzirwa kwepombi dzinofambisa tsvina pamwe nekugadzira magwenya emagetsi munzvimbo dzakawanda munyika zvikurusei mumaguta pamwe nemadhorobha madiki.

Pamari iyi, mamiriyoni gumi nemapfumbamwe nemazana masere ezviuru zvemadhora ichashandiswa kunyaya dzemvura uye imwe yacho inoita mamiriyoni gumi nemashanu nemazana mana ezviuru zvemadhora ichashandiswawo mukugadzirwa kwemichina yemagetsi.

Mutevedzeri wegurukota rinowona nezvemagetsi, Va Munacho Mutezo, vati hurongwa uhwu hwakanangana nehurongwa hutsva hwehurumende
hwekuvandudza hupfumi hwenyika pamwe nemagariro akanaka evanhu hwe Zimbabwe Agenda for Socio Economic Tranformation, Zimasset.

Mutevedzeri wegurukota rinowona nezvemvura, Va Simon Musanhu, vati kuwaniswa kwemvura yakakwana kune veruzhinji kuchabatsira mukudzivirirwa kwezvirwere zvinokonzerwa netsvina zvakaita sekorera.

Muna 2008, kwakaita chirwere chekorera munzvimbo dzakawanda munyika chakakonzera kufa kwevanhu vakawanda munyika.

Mari yabviswa nenyika idzi iyi ichange yakachengetedzwa nebhanga reAfrican Development Bank painenge ichishandiswa mukuita zvirongwa izvi
munzvimbo dzichabatanidzirawo Harare, Hwange, Chitungwiza, Ruwa pamwe ne Redcliff.

Izvi zvichazoita kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu munyika vawane mvura yakachena pamwe nemagetsi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG