Accessibility links

Breaking News

VOX Media Yoendesa VaMahoso kuMatare


Kambani ye Vox Media, iyo yakanyimwa rezenisi rekutepfenyura inoti yakaramba kuenda kunomira pamberi pekomiti yeparamende neChina ichiti kuita izvi zvinokanganisa nyaya yayo iri mumatare.

Kambani iyi iri kupomerawo Broadcasting Authority of Zimbabwe mhosva yekuramba kuburitsa zvinyorwa zvezvakaitika paibvunzwa makambani aida marezenisi izvo zvinonzi ne Vox Media zvamisa nyaya yekambani iyi kufambira mberi kumatare.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, nhengo yebhodhi re Vox Media, Va Tafadzwa Mugabe, vati vakawona zvakakodzera kuti vasaende kunomira pamberi pekomiti yeparamende vachiti izvi zvaizokanganisa nyaya yavakakwidza kumatare.

Komiti yeparamende inowona nezvekuburitswa kwemashoko yakashevedza makambani akakumbira marezenisi ekutepfenyura ku BAZ, ichida kuziva mamiriro akaita zvinhu panyaya yemarezenisi ekutepfenyura.

Zvichitevera kukwidza kwavakaita nyaya yekunyimwa kwavo rezenisi, neBAZ iyo ina Va Tafataona Mahoso sasachigaro, Va Mugabe vapomera BAZ mhosva yekuramba kuburitsa mapepa ezvakaitika paibvunzurudzwa makambani akakumbira marezenisi kubhodhi iri izvo zviri kudiwa nedare re Adminstrative Court.

Va Mugabe vati kuramba kuri kuita BAZ nemapepa aya kwamisa nyaya yavo iri mudare.

VaMugabe vati vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro-soro vachida kuti bhodhi raVa Mahoso riburitse mapepa aya.


Kambani ye Vox Media yakaenda kumatare ichigunun’una nekupihwa marezenisi kwakaita makambani maviri anoti ZI FM yaVaSupa Mandiwanzira pamwe chete neZimpapers Talk Radio iri pasi pekambani ye Zimpapers inodhindha bepanhau re Herald.

Vox Media inoti inowona sekuti ndiyo yakataura zvinonwisa mvura paibvunzurudzwa makambani aida marezenisi neBAZ kunyange hazvo isina kuzopihwa rezenisi rekutepfenyura.

Vox Media ndiyo kambani ine nhepfenyuro ye Radio Voice Of the People, VOP, iyo ina VaJohn Masuku, chikwaturo munyaya dzekutepfenyura, semukuru wayo.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, icho chakavaka hurumende yemubatanidzwa, chinokurudzira hurumende kuti ikurudzire vose vari kutepfenyura vari kunze kwenyika, kuti vadzoke munyika, vonyorera marezenisi ekutepfenyura.

Radio VOP ndiyo chete yakanyorera rezenisi iri, panhepfenyuro dziri kutepfenyura dziri kunze kwenyika, ikanyimwa rezenisi ne BAZ, iyo ina VaMahoso sasachigaro wayo. VaMahoso ndivo zvakare mushandi mukuru weZimbabwe Media Commission, sangano rinopa vatori venhau marezenisi ekushanda munyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro pemaitiro egurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, avo vanonzi vakagadza bhodhi reBAZ zviri kunze kwechibvumirano cheGPA.

VaTsvangirai vanoti VaRobert Mugabe vanofanirwa kudzinga VaShamu basa, nekuti havasi kuteerera zvinenge zvataurwa nevakuru vavo muhurumende, vachiti ivo naVaRobert Mugabe, vakawirirana kuti VaShamu vagadze bhodhi idzva zviri pamutemo, asi VaShamu vari kuisa zvipikiri munzeve dzavo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG