Accessibility links

Mutongo Wotadzisa Vanhu Kuona Zvinoitka muSouth Africa neDzimwe Nyika

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Svondo rapera dare guru remuSouth african rakapa mutongo unorambidza kambani yeku South Africa, ye Sentech, kuti isashandise madhikodha ayo e Free To Air Channels munyika dzinoti Zimbabwe, Angola, Namibia, Lesotho, Mozambique ne Malawi.

Izvi zvinotevera chikumbiro chekambani ye e-Botswana, rimwe rebazi re e-TV South Africa, chekuti Sentech isatyore mutemo yemasaisai, kana kuti signal piracy, nekupa madhikodha anoita kuti vanhu vaone zvirongwa vasingabvisi mari mwedzi wega wega.

Sentech inofanirwa kuita izvi mukati memwedzi mitatu. Vanhu vakawanda vachange vasingaone zvirongwa zvakaita se SABC 1, 2, ne 3 apo panowoneka vana Generations, Isidingo, nezvirongwa zvenhau.

Veruzhinji vange vachishandisa madhikodha aya, ayo anotangira pamadhora makumi mashanu zvichikwira, asi vasingabvise mari dzinobviswa nevamwe vanoshandisa Multichoice iyo ine DSTV.

Vamwe vanoti vanga vachishandisa madhikodha anokwanisa kubata masaisai e Sentech emahara nekuti ZBC ine zvirongwa zvinosvibisa moyo.

Nyanzvi munyaya dzemadhikodha, VaHonest Mavhangira, vanoti zvanga zvisiri pamutemo kuti vanhu vaone zvirongwa zvavanenge vasina kubhadharira.

XS
SM
MD
LG