Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Zvokandirana Makobvu neMatete Panyaya yeZvirango


VeZanu-PF vanoti VaTsvangirai ndivo vakapinza chikwambo chezviranngo sezvo vakaakumbira.

Bato reZanu PF neChina rakakwanisa kupinza nyaya yaro mudare reparamende yekuti mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vaudze sangano re European Union, America ne Britain kuti dzibvise zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe.

Asi nhengo dzeMDC dziri kupikisa nyaya iyi. Nyaya yezvirango yave kukonzera mutauro wakanyanya muhurumende yemubatanidzwa zvekuti vamwe vave kutyira kuti inogona kukonzera kuparara kwehurumende yemubatanidzwa.

Zanu-PF, ichitsigirwa neAfrican Union, inoti hurumende dzekunze dzinofanirwa kubvisa zvirango zvadzakatemera vakuru veZanu-PF, avo vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe..

Asi kuti izvi zviitwe, Zanu-PF inotiwo MDC ndiyo inofanira kutungamira hurongwa hwekuchenurwa kwayo. Masangano akaita se European Union, nenyika dzakaita seAmerica, nedzimwe, dzinoti Zanu-PF inofanirwa kutevedzera zvibvumirano zviri muGlobal Political Agreement kana kuti GPA.

Vakuru vakuru munyika dzekunze nemasangano akaita se International Monetary Fund, IMF ne World Bank, vanoti zvirango zvakatemerwa makambani ehurumende zvichabviswa.

Asi zvirango izvi zvicharamba zviripo kuvanhu vakaita saVaMugabe nevamwe vavo, kudzamara vatevedzera zviri muGPA. Nyaya iyi yakonzera mvongamupopoto mudare reparamende kwemazuva maviri akatevedzana.

VaJoram Gumbo ndivo vanokokera Znu PF mudare reparamende. VaGumbo vanoti zvirango zvakatemerwa nyika zvinofanirwa kubviswa zvachose, sezvo vana veZimbabwe vari kutambura.

Ukuwo mumkokeri wenhengo dzeMDC muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti veZanu-PF vari kuda kutsvaga uta nemugate, sezvo bato iri richiziva kuti MDC haina masimba ekuti zvirango izvi zvibviswe.

XS
SM
MD
LG