Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Vechidiki Vayo Ngavawanewo Rubatsiro Kubva kuHurumende


Vechidiki vebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanonzi vakapindawo muchirongwa chekusimudzirwa pamwe nekuendeswa kweupfumi kuvatema, icho chiri kukokerwa nebazi revechidiki nekuendeswa kweupfumi kuvatema.

Mutevedzeri wegurukota rezvevechidiki uye vari nhengo yeMDC-T, VaTongai Matutu, vanoti vechidiki vebato ravo vakangoitawo zviri kuitwa nevechidiki vemapato ose ari munyika, zvekunyorera kuti vawanewo mari dziri kubatsira vechidiki kutanga mabhizinesi. Vatiwo vechidiki veMDC-T vari kuita izvi vachitevedzera mitemo yose mukuita zvose zvinodiwa.

Bato reMDC-T, ragara richishora maitirwo ari kuitwa chirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema, icho rinoti chiri kushandiswa neZanu PF mukutsvaga rutsigiro, kwete kubatsira vatema vose vemunyika zvisineyi nebato ravanotsigira.

VaMatutu vanoti hapana chitsva kana chinoshamisa nekupinda kwevechidiki vebato ravo muchirongwa ichi, uye hazvirevi kuti bato ravo ratambira mafambisirwo ari kuitwa hurongwa hwekuendeswa kwehupfumi kuvatema nebato reZanu PF.

XS
SM
MD
LG