Accessibility links

Breaking News

VaZuma Voronga Musangano naVaMugabe naVaTsvangirai paNyaya yeNhaurirano


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, dzinoti dzapedza kuita nhaurirano nevamiririri vemapato ari muhurumende panyaya yekuumba hwaro hwesarudzo kana kuti "elections roadmap."

Nhumwa idzi dzinoti zvasara zvave kutoda kuti zvigadziriswe naVaZuma, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube.

Nyaya dzasara dzinosanganisira yekuvandudza mashandiro emapurisa, kuvandudza dzinhepfenyuro nemimwe mitemo inodzvinyirira vanhu yakaita seAIPPA nePOSA.

Chipangamazano chaVaZuma, varizve mutauriri wenhumwa dzavo, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti VaZuma vatori mubishi kuyedza kusangana nevatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa kuitira kuti vapedzise misariridzwa iyi.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, VaAlex Magaisa, avo vanodzidzisa paKent University kuBritain, vanoti vatungamiri ava kana vakazvipira vanogona kugadzirisa dambudziko rakatarisana nenyika.

XS
SM
MD
LG