Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoti Havaiti Rusarura paGakava Riri muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi munhaurirano dzemuZimbabwe, VaJacob Zuma, vanoti nyika yavo ine basa rekugadzirisa gakava riri muZimbabwe, uye kuona kuti zvakanyoreranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, zvabvumiranwa.

Mumashoko avakaburitsa neMugovera, VaZuma vakati vakatambira gwaro rezvakabuda munhaurirano dzakaitwa svondo rapera, uye vachaita zvose zvavanogona kuti zvinhu zvigadzirisike, pasina bato ravanorerekera.

Vari kutungamira chikwata chenhumwa dzaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudzawo Studio7 kuti vachiri kuongorora gwaro rakabva kuZimbabwe, uye kana vapedza, vachaona kuti votora matanho api.

Mashoko anotiwo VaZuma, avo vari muno muAmerica, vangangosangana nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, parutivi pemusangano weNuclear Security Summit, uri kuitirwa muWashington kuti vazeye nyaya yeZimbabwe.

VaZuma vari kutarisirwa kukurudzira America kuti ibvise zvirango zvayakatemera VaMugabe nevamwe vavo muZanu PF, senzira yekupa hurumende yemubatanidzwa, mukana wekufema, kuitira kuti ifambire mberi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vaudza Studio7 kuti danho rasara chete kuti VaZuma vatore, kukwidza nyaya iyi kuSADC.

MDC inotiwo VaZuma vaedza pavo nokudaro nyaya iyi ngaichiendeswe kuSADC, sezvo gakava riri pakati pemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, riri kuramba kupera.

XS
SM
MD
LG