Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoti Hurukuro Dzafamba Zvakanaka


Mutongi gava pagakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJoacob Zuma, vanoti vaita hurukuro dzinonwisa mvura nevatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa. Va Zuma vataura izvi pavapedza misangano iyi neChina.


VaZuma vakapinda munyika neChipiri nechinangwa chekuedza kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.


Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita pamwe chete nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur
Mutambara, VaZuma vati nhaurirano idzi dzafamba nenzira inovafadza.

VaZuma vati vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa varatidza kuzvipira mukugadzirisa zviri kunetsa muhurumende iyi.

Vati mapato aya awirirana zvakawanda uye zvinofanira kuti zviitwe munguva imwe chete sezvakabuda mumusangano we SADC Troika wakaitirwa kuMozambique gore rapera.

VaZuma vati vatungamiri vemapato vaudza vari kumirira mapato avo munhaurirano kuti vaite misangano yokugadzirisa zvose zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Va Zuma vati panopera misangano iyi, vari kutaurirana ava vanofanira kuzovaudza zvavanenge vataurirana musi wa 31 Kurume.

Mushure meizvi, VaZuma vati vachazonopira nyaya iyi kuna sachigaro weSADC Troika, uye vari mutungamiri we Mozambique, Va Armando Guebuza.

VaZuma havana chavataura nezvezvirango zvehupfumi zviri kunzi naVaMugabe zvinofanirwa kubviswa pamwe nezviri kuchemwa chemwa nazvo neMDC zvinosanganisira kusagadzwa kwa VaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Musangano waitwa naVaZuma nevatungamiri vemapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa unoteverawo musangano wakaitwa naivo VaZuma nagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, gweta guru renyika, VaJohannes Tomana, pamwe nemubati wehomwe muMDC, VaBennett.

Pavapedza musangano nevatori venhau, VaZuma vabva vasimuka vachidzokera kuSouth Africa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaIbbo Mandaza, vaudza Studio7 kuti kuendera mberi kuchaita nhaurirano idzi kunoratidza kuti VaZuma havana kukwanisa kupedza gakava riripo pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.

VaMandaza vati chavakutodikanwa kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika, isarudzo dziri pachena. Vati hapana kana nyika yakambogadzikana ine hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG