Accessibility links

Breaking News

VaZuma neAfrican Union Vokurudzirwa Kupindira paMhirizhonga Iri Kuitika


Masangano anoshanda akazvimirira kana kuti Non-Governmental Organizations ari kukurudzira mutongi gava panyaya yegakava riri muZimbabwe, Va Jacob Zuma, pamwe nesangano reAfrican Union kuti vawone zvavangaite pamusoro pemhirizhonga iri kuitika munyika. Masangano aya anoti vanorwira kodzero dzevanhu vari kushungurudzwawo nehurumende.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau vakamirira masangano anoshanda akazvimirira, mutauriri we Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Phillip Pasirayi, vati havasi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu nemapurisa, masoja pamwe nenhengo dzeZanu PF.

Va Pasirayi vati zvichitevera kushungurudzwa kwavati vari kuitwa, vanorwira kodzero dzevanhu vari kubaiwa panyama nhete.

Va Pasirayi vakurudzira VaZuma, pamwe nesangano reAfrican Union, kuti vapindire mukubatsira veruzhinji vanonzi havachawane hope nepamusana pemhirizhonga iyi.

Masangano eSADC ne African Union ndiwo ana muzvinapembe pachibvumirano chezvematongerwo enyika che Global Political Agreement.

Mumwe ataura pamusangano uyu, Bishop Ancelom Magaya, ve Christian Alliance, vakurudzira vedzisvondo kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira pamusoro pemhirizhonga iri kuitika munyika.

Mukuru we sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, vati pamazuva gumi nemaviri apfuura, sangano ravo ratambira nyaya dzevanhu vari kushungurudzwa dzakawanda uye vatatu vanonzi vakapambwa munguva iyi.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu aya anoti sarudzo hadzifanirwe kuitwa munyika pasati pavandudzwa mitemo yakaita sePOSA neAIPPA uye anoti ari mubishi kuronga misangano nemukuru mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, pamwe nemakurukota anoona nezvinoitika mukati menyika, Amai Theresa Makone naVa Kembo Mohadi, nechinangwa chekuti mhirizhonga iri munyika ipere zvachose.

Vanhu vakawanda, zvikuru vanotsigira MDC, vari kudzingwa mudzimba dzavanoroja, kana munzvimbo dzavanogara nevatsigiri ve Zanu PF vanozivikanwa munzvimbo idzi.

XS
SM
MD
LG