Accessibility links

VaTsvangirai Vokurudzira Vakuru muHurumende Kubhadhara Magetsi


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakuru vakuru muhurumende, makurukota pamwe nenhengo dzeparamende vanofanirwa kubhadhara magetsi, mvura nezvimwe kuitira kuti makambani akaita seZesa achikwanisa kuvharwa kana vakaenderera mberi netsika yekusabhadhara magetsi.

Vachipundura mibvunzo kubva kunhengo dzedare repasi reHouse of Assembly, VaTsvangirai vati munhu wese anofanira kubhadhara magetsi aanenge ashandisa zvisinei kuti ndiani.

Vatiwo makambani ave nemari dzezvikwereti dzinodarika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora nekuda kwekusabhadhara kuri kuita vanhu.

Mapepanhau munyika akaburitsa humbowo hunoratidza kuti vakuru vakuru muhurumende, kusanganisira mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, havasi kubhadhara magetsi uye vane zvikwereti zvemazana ezviuru zvemadhora kuZesa.

Panyaya yekuti hurumende ine mutemo here wekuona kuti vakarwira hondo yerusununguko vawaniswa mukana pamutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema, VaTsvangirai vati mutemo uyu unopa mukana kumunhu wese zvisinei kuti ndiani.

Vatiwo vanhu vanofanira kuziva kuti mutemo uyu hausi wekubvuta makambani asi kuti vanhu vanotarisirwa kutenga zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvemakambani ekunze.

Vatiwo mutemo uyu uri kuvhiringa mabasa ekuunza vemabhizimisi vekunze sezvo vari kutya kuzotorerwa mabhizimisi avo.

Panyaya yegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWesbter Shamu, yekuramba kuvandudza mutemo yezvekuburitswa kwenhau pamwe nemakambani ehurumende enhau sezvakabvumiranwa muGlobal Political Agreement pamwe nedare remakurukota, VaTsvangirai vati kuoma musuro kuri kuita VaShamu kunoratidza kuti pane ari kuvatuma kuita izvi.

Vati kuita kwaVaShamu kuri kudzorera chibvumirano cheGPA, pamwe nekushaisa veruzhinji mukana wekuwana nhau dzavanoda.

VaTsvangirai vazivisawo dare iri kuti hurumende haisati yave nehurongwa hwekubhadhara vanhu vane vadikani vavo vane hama dzakaurayiwa munguva yegukurahundi.

VaTsvangirai vatiwo hurumende iri kuita zvese zvainogona kuitira kuti vanhu vasafe nenzara munyika.

VaTsvangirai vanoenda kudare iri kunopindura mibvunzo kamwe chete pamwedzi uye neChina vanenge vachipindura mibvunzo mudare reseneti.

XS
SM
MD
LG