Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti VaMugabe Havana Simba reKudaidzira Sarudzo Voga


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kukonzeresa kusawirirana munyika nenyaya yavo yekungotaura kuti vane masimba ekumisa paramende basa, uye kudaidzira sarudzo vari voga, vachiti vane masimba pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura vari muDavos kuSwitzerland kumusangano weWorld Economic Forum, VaTsvangirai vakati pasi peGlobal Political Agreement, ivo naVaMugabe vanofanira kuti vagare pasi nevamwe vavo vobvumirana mazuva anofanirwa kuitwa sarudzo.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chinosunga chikamu cheConstitutional Amendment Number 19, iyo iri mubumbiro renyika.

Nyanzi munyaya dzemitemo dzinoti VaMugabe havakwanisi kubvisa chimwe chikamu chebumbiro remitemo kuti vaite zvavanoda, chikamu ichi chisina kubviswa nematare maviri eHouse of Assembly ne Senate, izvo zvinosiya VaMugabe vasina masimba avanoti vanawo.

Kubva zvatanga VaMugabe kutaura nyaya yekuti nyika inogona kuita sarudzo gore rino, mhirizhonga yabva yatonyanya uye paita ropa rakaipa pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe pamusoro pemashandisirwo emasimba emitemo pakuita zvinhu muhurumende.

VaTsvangirai vakatokwidza kumatare edzimhosva nyaya yekuti zviri kuitwa naVaMugabe zvekudoma magavhuna, pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika vasina kugara pasi nevamwe vavo muhurumende, zvinotyora bumbiro renyika, kuburikidza nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti VaMugabe havana simba rekudaidzira sarudzo vasina kusuma vamwe pasi pemutemo.

XS
SM
MD
LG