Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti VaKasukuwere Ndivo Vari Kuronga Mhirizhonga


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika munyika, iri kutungamirirwa nevanhu vane zvinzvimbo zvepamosoro soro mubato reZANU-PF.

Vachitaura nevatori venhau neSvondo, VaTsvangirai vakati gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere veZANU-PF, ndemumwe weavo vari kutungamira mukuronga mhirizhonga yezvematongerwo enyika muZimbabwe.

VaTsvangirai vakatadza kutaura pamusangano wakange warongwa nebato ravo kuChitungwiza neSvondo mushure mekunge vechidiki veZANU-PF varwisana nevechidiki veMDC-T vaironga musangano uyu.

Vanhu vanosvika makumi maviri vanonzi vakakuvara. Va tsvangirai vakati vanoshushikana nenyaya yemhirizhonga iyi.

VaTsvangirai vakatizve hurumende yemubatanidzwa haisi kushanda zvakanaka kuitira kuti nyika ibudirire. Vakatiwo makurukota eZANU-PF haasi kuvaudza mashandiro avari kuita mumapazi aanotungamira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaKasukuwere divi ravo panyaya iyi.

Asi gweta remubazi mavo, VaPsychology Maziwisa, vanoti zviri kutaurwa naVa Tsvangirai kuti VaKasukuwere ndivo vari kukonzera mhirizhonga manyepo nekuti VaKasukuwere vaiva kwaMutare paitika mhirizhonga kuChitungwiza.

XS
SM
MD
LG