Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Sarudzo yeMutungamiri weNyika Ndiyo Chete Inofanirwa Kuitwa


Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa ndedzekutsvaga mutungamiri wenyika chete kwete kubatanidza sarudzo idzi nedzekutsvaga nhengo dzematare maviri eparamende. VaTsvangirai vataura mashoko aya mushure memusangano wehutungamiri hwebato ravo waitirwa paHarvest House neChina muHarare.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wekomiti huru muMDC yeNational Council, VaTsvangirai vati sarudzo dzemutungamiri wenyika ndidzo dzakaita gakava padzakaitwa muna 2008.

VaTsvangirai vati havaone chikonzero chokuti paitwe sarudzo dzokutsvaga nhengo dzeparamende sezvo sarudzo dzakaitwa muna Kurume 2008 dzakafambiswa zvakanaka.

Va Tsvangirai vakurudzirawo sangano reSADC kuti rironge musangano we Troika wekuedza kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vati komiti yavo yabvumirana kuenda kumusangano mukuru webato unoitwa kamwe mumakore mashanu, we congress uitwe musi wa 30 Chivabvu usati wadarika.

Ukuwo bato reMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara riri kurongawo kuita congress muna Ndira. Bato iri riri kusarudza vanhu vachanovhoterwa pazvigaro pa congress iyi. Pari zvino munyori mukuru webato iri, VaWelshman Ncube, ndiri vari kutungamira pavanhu vari kuda kukwikwidza pachigaro chemutungamiri webato iri, izvo zvinogona kusiya VaMutambara vari pamhene.

Panyaya yemasoja anonzi akatumirwa kumaruwa kunotsvagira Zanu PF rutsigiro pamberi pesarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinouya, VaTsvangirai vati masoja aya anofanirwa kudzokera kumakamba nechimbichimbi vachiti harisi basa remasoja kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Zvichakadai, VaTsvangirai vashoropodza mutungamiri we Ivory Coast, Va Laurent Gbagbo, kuti vabve pachigaro vachiti vakakundwa musarudzo dzakaitwa munyika mavo

XS
SM
MD
LG