Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Mauto Ari Kuronga Kuvabvisa neChisimba Vakakunda VaMugabe Musarudzo


Mutungamiri weMDC huru, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo richapinda musarudzo kana zvose zvinoda kugadziriswa zvagadziriswa sezvakabvumiranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Vachitaura kuCrown Plaza Hotel muHarare pamusangano wekuparura gwaro ravo rinotara zvavanoda kuti zviitwe sarudzo dzisati dzaitwa munyika, VaTsvangirai vanoti nyika inosungirwa kugadzira bumbiro idzva remitemo yenyika richaendeswa kuvanhu pareferendamu.

Vakati sarudzo dzemunyika dzinosungirwa kuitwa nenzira ichaita kuti zvichabuda madziri zvitambirwe nevanhu vese zvichizoita kuti vanenge vakundwa vabvume zvinenge zvada veruzhinji.

Vakati vane ruzivo rwekuti kune vamwe vakuru muchiuto vari kuronga kuti vasatambire zvinobuda musarudzo kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakundwa. Vakati mapazi ezvekudzivirirwa kwenyika anofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti zvido zvevanhu musarudzo zviremekedzwe.

Vakatiwo zuva resarudzo richaziviswa chete mushure mekunge zvese izvi zvaitwa uye ivo vabvumirana naVaMugabe, kuti sarudzo dziitwe.

Munyori mukuru webato reMDC-T, VaTendai Biti, vakatiwo bato ravo rinoda kuti paitwe shanduko inosanganisira kugadziriswa kwemitemo ye Public Order and Security Act kana kuti POSA, AIPPA newe Criminal Procedure and Evidence Act, vachiti zvisungo zvese zvakatarwa neSADC zvitevedzerwe zvakazara.

Vanoongorora nezvematongerwe enyika, uye vari mukuru webazi rezvegwara rebato mu MDC-T, VaCharles Mangongera, vanoti bato ravo raita zvakanaka kubuda pachena panyaya yezvavanoda kuona zvichizadzikiswa sarudzo dzisati dzaitwa.

VaMugabe nebato ravo reZanu-PF vanonzi vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino chete zvisinei kuti nyika yava nebumbiro idzva remitemo here kana kuti kwete.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa naVaTsvangirai ndezvemugotsi matsuro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, vanoti mauto ndiwo ari kuvhiringidza zvinhu munyika.

XS
SM
MD
LG