Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanokumikidza Dhamu neZvikoro kuLupane


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakumikidza dhamhu reBubi-Lupane pamwe nezvikoro zviviri zvepuraimari zvinoti Mpofu neMadotshwa, mudunhu reLupane kuMatabeleland North.

VaTsvangirai vasvitsawo zviri pamutemo zvikoro zviviri izvi kubazi rezvedzidzo, mitambo netsika.

Mutungamiri wehurumende, avo vari kushanya kuMatabeleland kwemazuva matatu, vari kuperekedzwa murwendo urwu negurukota rezvemvura, VaSamuel Sipepa Nkomo.

VaTsvangirai vakaparurawo zvakare mudunhu reTsholotsho chirongwa chekushandiswa kwemvura kumaruwa zvine utsanana mukati.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nemari inoita mamiriyoni makumi mashanu emadhora nebazi remuBritain rinoona nezvekusimudzirwa kwematunhu ekunze kwenyika iyi.

VaSipepa Nkomo vanoti chirongwa ichi chichaitwa mumatunhu mashanu anoti Matabeleland North, Matabeleland South, Masvingo, Midlands neMashonaland West, uye chiri kutarisirwa kuwanisa vanhu vanodarika mamiriyoni maviri mvura yakachena gore rose.

VaTsvangirai vakavimbisawo vagari vematunhu aya kuti hurumende, kuburikidza nekomiti yakaumbwa nedare remakurukota, iri kuongorora zvinyunyuto zvevanhu zvekuti chikafu chiri kupiwa vanhu zvichitariswa kuti vanotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG