Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Voratidzira Vachiti Zvirango Ngazvibviswe


Vatsigiri veZanu-PF vanopfuura chiuru chimwe chete varatidzira muHarare neChitatu vachiti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo mazana maviri muZanu PF, zvibviswe.

Nyika dziri musangano reEuropean Union pamwe neAmerica, dzakatemera vakuru muZanu PF zvirango zvehupfumi pamwe nekushanyira nyika vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Vatsigiri veZanu-PF ava vange vakapfeka hembe dzine zvinyorwa zvakanzi "zvirango zvehupfumi zvakashata uye kuti zvinofanira kubviswa."

Vanhu ava vatanga kuratidzira pahofisi yebato ravo muna Fourth Street, ndokufamba vakananga kumuzinda weAmerica muZimbabwe uyo uri muna Herbert Chitepo, vachiimba, kunyomba pamwe nekutukurira mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachiti ndivo vakakonzeresa zvirango izvi.

Vange vachitukawo veruzhinji pamwe nekurova avo vange vachiratidza kusafara nekuratidzira uku.

Vechidiki ava vange vachiperekedzwa nemapurisa, uye vambomira pamuzinda weAmerica vachiimba nziyo dzechimurenga pamwe nekutukirira America.

Mutauriri wesangano remagweta anomirira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, ndemumwe weavo vaona zvese zvange zvichiitwa nevechidiki ava.

VaMafunda vashora mapurisa ayo vati ange achirega vechidiki ava vachirova vanhu pamadiro iwo mapurisa akangotarisa.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Amy Daiz, vanoti hapana zvichemo zvavapihwa neavo vange vachiratidzira. Vatiwo hapana chinishamisira nekuratidzira sezvo iri kodzero yevanhu vose vemuZimbabwe kuratidzira kana vachida kuita izvi pasina anovarambidza.

Pavabva pamuzinda weAmerica, vechidiki ava vazoenda kumuzinda webato ravo mukuru weZanu-PF Headquarters, uko vandotaura nevakuru vebato ravo avo vange vari pamusangano wavo wePolitiburo.

Hapana anoziva zvataurwa nevechidiki ava kuvakuru vavo.

Vechidiki ava vamboshungurudza mumwe mutori wenhau dzemifananidzo anoshanda akazvimiririra, Anderson Manyere, apo ange achitora mifananidzo yekuratidzira uku.

Manyere abatwa pedyo nepatangira kuratidzira uku, akaendwa naye kumahofisi eZanu-PF edunhu reHarare muna Fourth Street, uko andobvunzurudzwa nezvebasa rake nemapurisa, vasoripamwe nevange vachitungamira kuratidzira.

Manyere azoburitswa mushure mechinguvana akanzi anofanirwa kutanga apihwa mvumo nemapurisa pamwe nevasori asati atora mifananidzo yekuratidzira.

Manyere anotiwo adzimirwawo mimwe yemifananidzo yaange atora, zvikuru iyo yange ichiratidza vachidiki ava vachirwirana hembe dzekupfeka.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti MDC haisi iyo yakaita kuti Zanu PF itemerwe zvirango, asi kuti bato iri ndiro rakazvisikira moto muziso nekutyora kodzero dzevanhu, izvo zvisiri kufadza nyika dzakabudirira.

Zvichakadaro, America yaramba mashoko ekuti zvirango zvayakatemerwa Zimbabwe ndizvo zviri kupa kuti nyika iyi isakwereteswe mari nevanopa rubatsiro vakaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Vachitaura nevatori venhau neChipiri, chipangamazano muhurumende yeAmerica muZimbabwe munyaya dzezveupfumi, VaJames Garry, vati hurumende yavo haina masimba ekumisa vanokweretesa mari kuti vape Zimbabwe zvikwereti. Vati kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo ndiko kuri kupa kuti Zimbabwe iite kunge yakageza negoka munyama apo inenge ichitsvaga rubatsiro.

XS
SM
MD
LG