Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF Vanobvuta Purazi reGeluk kuNyazura


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka papurazi reGeluk riri kuNyazura, iro rakabvutwa nechisimba neMuvhuro kubva kumuridzi waro, anova murimi wechichena, VaJanse Grobler.

Purazi iri rakabvutwa nevatsigiri veZanu PF vachitungamirwa nemushandi wehurumende anoona nezveminda mubazi rezveminda kuManicaland, VaCollen Mugai.

Zvinonzi VaMugai vakaita izvi pamwe nemwanakomana wagavhuna weManicaland, VaChristopher Mushowe, Brian, nemumwe mutsigiri weZanu PF, VaOnismo Makwengura.
Zvinonzi vatatu ava vakasvikopwanya magedhi epapurazi apa, VaMugai vachiti ndivo vave muridzi wepurazi iri. Purazi iri rine fodya yava pedyo kukohwiwa.

Mwanakomana waVaGrobler, Paul, naivo VaGrobler pachavo, vanonzi vakasungwa usiku hweMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya vatatu ava.

Mudzimai waVaGrobler, Amai Antoinette Grobler, vati murume wavo nemwanakomana wavo vakachengetedzwa pakamba yepaNyazura muchitokisi chakazara netsvina, uye chisina mvura.

Pane mutongo wematare unonzi unorambidza chero ani zvake kutora purazi iri. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa.

Mumiriri weMakoni South muparamende, VaPishai Muchauraya, vaudza Studio7 kuti dunhu reManicaland ratarisana nedambudziko revanhu vanomirira kupamba mapurazi anenge ane zvirimwa zvava kuda kukohwewa.

XS
SM
MD
LG