Accessibility links

Breaking News

VaTrump Voramba Kuita Gakava reChipiri Sezvo Riri Kuitirwa paDandemutande


Mutungamiri wenyika VaDonald Trump kuruboshwe nevaive mutevedzeri wemutungari wenyika VaJoe Biden.
Mutungamiri wenyika VaDonald Trump kuruboshwe nevaive mutevedzeri wemutungari wenyika VaJoe Biden.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vakazivisa neChina kuti havasi kuzopinda mugakava remusi weChina svondo rinouya nevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira Democratic Party, VaJoe Biden.

VaTrump vakataura mashoko aya panhepfenyuro yeFox News mushure mekunge vanoronga magakava aya veCommission on Presidential Debates vazivisa kuti vanoda kuti gakava iri riitwe padandemutande vanhu vachibvunza mubvunzo kana kuti “virtual town hall” pachityira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaTrump, zvipangamazano zvavo nevamwe vashandi vekumuzinda wavo weWhite House vakabatwa nechirwere ichi uye vachiri kurapwa.

Asi VaTrump vange vachitarisira kuti panoitwa gakava iri vanenge vave kunzwa zviri nani.

Gakava resvondo rinouya range richitevera rimwe raitwa mangwanani nevatevedzeri vaVaTrump naVaBiden. Vange vachikakavadzana ndiAmai Kamala Harris veDemoctratic Party vanova senator vekuCalifornia uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaMike Pence vebato reRepublican Party.

Gakava iri raitirwa paKingsbury Hall paUniversity of Utah kuSalt Lake City.

Vatevedzeri vemutungamiri wenyika vanoita gakava rimwe chete chete sarudzo dzisati dzaitwa kunyange hazvo vanenge vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vachikwanisa kuita magakava anodarika matatu.

Gakava iri rakazeya nyaya dzine chitsama dzinosanganisira yechirwere cheCovid-19, kudyidzana nedzimwe nyika zvikuru Russia inonzi inopindira musarudzo dzemuAmerica, kugarisana kwemarudzi, nyaya dzezvehupfumi, kudomwa kwevatongi vematare, kugadzirisa mamiriro ekunze nekushandisa zviwanikwa nedzimwe.

Asi nyaya huru yakanyanya kukurukurwa nezvayo ndeyekurwisa chirwere cheCovid-19.

Amai Harris, avo vanova mudzimai mutema wekutanga kudomwa semutevedzeri wemutungamiri musarudzo yemuAmerica, uye vaine mumwe mubereki kubva kuAsia, vakati VaTrump naVaPence vatadza kutungamira mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvapa kuti chiuraye vanhu vakawanda.

Vakatiwo vaivanzira vanhu nezvekuipa kwechirwere ichi pachakatanga kuChina.

Vachipindura, VaPence vakati hurumende yakatokurumidza kuita gadziriro nekuti vanhu vakawanda vaigona kurasikirwa nehupenyu.

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere cheCovid-19. Vabatwa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti 7,5 million. Vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana maviri negumi nezvina, kana kuti 214 000.

Imwe nyaya yakanetsawo inyaya yekusarudzwa kwevatongi vedare repamusoro soro reSupreme Court.

VaTrump vakasarudza Amai Amy Coney Barret kuti vatore chinzvimbo chakasiiwa namuchakabvu Ruth Bader Ginsburg izvo zvisina kufadza nhengo dzeDemocratic Party dzaida kuti mutongi asarudzwe panopera sarudzo sezvo nhengo dzeRepublican Party dzakamboramba kuti vaive mutungamiri wenyika, VaBarack Obama, vadome mutongi mutsva nyika yatarisana nesarudzo muna 2016.

Asi VaPence vakati bato raAmai Harris riri kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuitira kuti riwedzere vatongi kubva pavapfumbamwe varipo.

Asi Amai Harris vakati pakamboitika chiitiko chakadai, vaive mutungamri wenyika muchakabvu VaAbraham Lincoln vakati vaida kuti akunda musarudzo adome mutongi.

Vaviri ava vakataurawo nyaya yesarudzo sezvo paine kunetsana kuti zvabuda musarudzo zvichatambirwa here.

Vachipawo pfungwa dzavo panyaya yegakava iri, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari kuSouth Carolina muno muAmerica, VaPromise Sande, vanoti Amai Harris vane zvavakagona kunyanya pakuburitsa zviri kutadzwa nehurumende asi vakati havana kunyatobata nyaya yekuti Covid-19 yapararira kuWhite House.

Vanotiwo izvi ndizvo zvavakaonawo pana VaPence vachiti vakakwanisa kumirira bato ravo pakuratidza kusajeka kwepamire VaBiden panyaya yekushandiswa kwezviwanikwa nekusacvibisa mweya wekufema kana kuti Green New Deal.

Asi vanoti VaPence vanenge vaimbokananisa kufamba kwegakava nekungopindira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti magakava anoitwa muAmerica akakosha zvikuru muhutongo hwejekeere sezvo achipa vanhu mukana wekuvhotera munhu wavanoziva.

Akakokera gakava iri mutori wenhau wekubepanhau reUSA Today, Susan Page.

VaTrump naVaBiden vakaita gakava ravo rekutanga musi wa 29 Gunyana 2020.

Vange vachitarisirwa kuita rechipiri kuMiami musi weChina svondo rinouya iro VaTrump vave kuti havachadi kuita.

VaBiden vanoti havo vakagadzirira. Vamiriri vevaviri ava vari kutarisirwa kuramba vachizeya kuti poitwa sei kuti riitwe.

Gakava rekupedzisira riri kutarisirwa kuitwa musi wa22 Gumiguru paBelmont University kuNashville. Sarudzo dzichaitwa musi wa 3 Mbudzi kunyange vamwe vanhu mumatunhu makumi mana nemana vakatotanga kuvhota.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG