Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinopinda muZimbabwe Kunogadzirisa Zviri Kunetsa


Nhumwa dzemutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dziri muZimbabwe umo dziri kuedza kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. Nhumwa idzi dzakapinda munyika neMuvhuro.

VaZuma ndivo vakadomwa ne African Union kuva mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe,

Mutauriri wenhumwa idzi, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti misangano yavari kuita yakanangana nekuyedza kupedza misariridzwa yezviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement icho chakaunza hurumende yemubatanidzwa.

Kushanya kwechikwata ichi kunoitika panguva iyo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaudza vatori venhau kuti mhirizhonga yatanga zvakare munyika zvichitevera kurambidzwa kwakaitwa VaTsvangirai kuita misangano yavo mukupera kwesvondo.

VaTsvangirai vanoti vari kushushikana kuti SADC haisati yatumirawo dzimwe nhumwa nhatu dzichazoshanda neJOMIC mukuyedza kuona kuti GPA iri kutevedzerwa nemapato ose ari muhurumende.

Asi Muzvare Zulu vanoti rwendo rwavo harunei nemhirizhonga iri kuitika munyika sezvo vakagara varwuronga kare.

Muzvare Zulu vanoti mapato ose ezvematongerwo enyika avapa magwaro ane chekuita nenyaya yemhirizhonga.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZANU-PF, VaRugare Gumbo, kuti tinzwe divi ravo nezverwendo rwenhumwa dzaVaZuma.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rasangana nenhumwa dzemutungamiriri weSouth Africa dzikaudzwa kuti dzimwe nhumwa nhatu dzichatumidzirwa neSADC kuzoshanda neJOMIC mukuyedza kuona kuti GPA yatevedzerwa nemazvo.

VaTsvangirai vari kugara vakanetsana naVaMugabe muhurumende yemubatanidzwa pazvinhu zvakawanda zvakaita sekudoma vakuru muhurumende kuri kuitwa naVaMugabe vasina kuvagara navo pasi vachiwirirana.

XS
SM
MD
LG