Accessibility links

Breaking News

VaTekere Vanoshaya Mushure Mekurwara neChirwere cheGomarara


Vaimbove munyori mukuru mu Zanu PF munguva yehondo yechimurenga, VaEdgar Zivani “2-Boy” Tekere, vashaya. VaTekere, avo vange vava nemakore makumi manomwe nematatu ekuberekwa, vashayikira paMurambi Garden Clinic kwaMutare neChipiri masikati.

Mutauriri wemhuri yaVaTekere, Va Ibbo Mandaza, vanoti VaTekere vashaya mushure mekunge varwara kwenguva refu nechirwere chegomarara, kana kuti prostate cancer.

VaMandaza vati hapana zvizhinji zvati zvarongwa maererano nezvekuradzikwa kwaVaTekere. Vatiwo hama neshamwari dzichange dzakaungana pamba pavo kuBordevale maMutare.

Vagari vemaMutare vatambira kushaya kwaVaTekere nekusuwa kukuru. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaPassmore Nyakureba, vati VaTekere munhu airwira kodzero dzevanhu, pamwe nehutongi hwejechetere.

Mumwe mugari wemaMutare, Va Shadreck Marima, vatiwo VaTekere munhu ane nhoroondo yekurwira rusununguko inozivikanwa nevanhu vose.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mu Zanu PF muManicaland, VaCharles Samuriwo, vanoti veZanu PF vari kubatana nemhuri yekwaTekere mukuchema kufa kwemunhu akarwira rusununguko rwenyika.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vati bato ravo riri kuzeya nyaya yekufa kwaVaTekere, zvarinenge rabuda nazvo zvichaziviswa.

Vaimbove sachigaro wezvechidiki mubato reZimbabwe Unity Movement, VaPaul Razika, vati Zimbabwe yarasikirwa negamba.

VaTekere vakazvarwa musi wa-1 Kubvumbi 1938, vakabatsira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kubuda munyika vachienda ku Mozambique muna Chikumi 1975 kunoenderera mberi nehondo yechimurenga.

Pakawana nyika kuzvitonga, VaTekere vakaitwa gurukota re manpower planning. Muna Nyamavhuvhu 1980, VaTekere vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuuraya maneja wepapurazi raive kumucheto kweHarare, VaGerald Adams. Nyaya iyi yakapinda mumatare edzimhosva VaTekere vachimirirwa negweta rekuBritain, Va Bloom Cooper, avo vakakwanisa kuudza dare kuti VaTekere vasawanikwe vaine mhosva yekuponda Adams parakapa mutongo waro muna Zvita 1980.

VaTekere vakadzingwa muhurumende naVaMugabe muna Ndira 1981, vakazovadzinga zvakare mubato muna 1988, izvo zvakazopa kuti VaTekere vavambe bato re Zimbabwe Unity Movement. VaTekere vakazosiya bato iri vachidzokera kuZanu PF.

Asi musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna Chikumi 2008, VaTekere vakatsigira mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vachiramba kutsigira mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

VaTekere vasiya mudzimai wavo, Pamela uye nemwanasikana, Maideyi.

XS
SM
MD
LG