Accessibility links

Vasungwa Votarisirwawo Kupihwa Chikafu Chakanaka Mumajeri

  • Blessing Zulu

Hurumende yabuda nemutemo unosungira Zimbabwe Prison Services kuti ipewo vasungwa chikafu chiri nani.

Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu, vanoti vasungwa vanenge vopihwa zvekudya zvakaita sechingwa, nyama nemiriwo ine mafuta akanaka.

Pange paine mashoko ekuti vasungwa vakawanda vari mumajeri vange vachifa nenzara sezvo vange vachiswerera bhinzi dzine munyu chete dzisina kana mafuta.

Vasungwa vakawanda vanonzi mumakore apfuura vange vorwara nezvirwere zvinokonzerwa nekushaya chikafu chakakwana.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ange achigunun’una zvikuru nemabatirwo ange achiitwa vasunga mumajeri emuZimbabwe.

XS
SM
MD
LG