Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vocherechedza Zuva Ravo Vasina Kubatana VaTsvangirai Vachitora Mativi


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaenda kunobatana nevashandi vari muchikwata chesangano revashandi reZCTU rinotungamirwa naVaGeorge Nkiwane kumhemberero dzaitirwa munhandare yeGwanzura muHarare.

Mumashoko avo kuvashandi, VaTsvangirai vashora zvikuru makakatanwa ari mumasangano evashandi, vakakurudzira kuti vashandi vashande pamwe chete.

Chimwe chikwata cheZCTU chinotungamirwa naVaLovemore Matombo, chashorawo zvikuru bato reMDC-T, nekutora mativi kwaraita panyaya dzevashandi.

MDC-T haina kuenda kumhemberero dzaitwa nechikwata chaVaMatombo, kunyange hazvo yakanga yakokwa.

Chikwata chaVaMatombo chashorawo mabatirwo achati ari kuitwa vashandi nevashandirwi vekuChina.

Zvikwata zviviri zveZimbabwe Federations of Trade Unions, ZFTU, zvaitawo mhemberero munzvimbo dzakasiyana munyika zvisiri pamwe chete.

Chimwe chikwata chinotungamirirwa naVaAlfred Makwarimba chaitira mhemberero dzacho kuChiredzi mudunhu reMasvingo, chimwe chikwata cinotungamirwa naVaJacob Gwavava chaitira mhemberero dzacho kuMbare Netball Complex muHarare.

Munyori mukuru muchikwata chinotungamirirwa naVaMakwarimba, VaKennias Shamuyarira, vanoti chikwata chavo ndicho chiri pamutemo uye chakoka mutevedzeri wegurukota rezvemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, Amai Monica Mutsvangwa, semunyarikani wacho.

Vamwe vanzi vaenda kumhemberero idzi vakuru-vakuru veZanu PF mudunhu reMasvingo, vanosanganisira gavhuna wedunhu iri, VaTitus Maluleke, VaDzikamai Mavhaire pamwe nemumiriri weMwenezi muparamende, VaKudakwashe Bhasikiti.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rechikwata chaVaGwavava.

Asi nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kusawirirana mumasangano anomirira vashandi kuri kudzosera shure simba revashandi nechido chavo chekutaura nezwi rimwe chete.

VaChitambara vanotiwo zuva iri harina zvikuru zvarinokoshera kuvashandi sezvo makambani achiri kuramba achivharwa uye vashandi vasiri kuwana cheuviri kubva muchirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema.

XS
SM
MD
LG