Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKambani yeMangoda yeAnjin Vanoramwa Mabasa


Vashandi vekambani inochera mangoda yeAnjin Investments vanodarika mazana matanhatu, vanonzi vari kuramwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira.

Mushandi wepasi anonzi ari kutambira mari inoita zana nemakumi masere emadhora pamwedzi. Asi vashandi ava vanonzi vari kuda kuti mari iyi ikwire kuenda pamazana matanhatu emadhora pamwedzi.

Vashandi ava vakamboramwa mabasa muna Gumiguru, apo vaienda kumabasa asi vasingashandi.

Mwedzi wapera vakazokwanisa kusangana nevashandirwi, avo vakavavimbisa kuti vaizogadzirisa zvichemo zvavo. Asi kusvika pari zvino vashandi ava vanoti hapana chati chaitika.

Kambani yeAnjin, ikambani yemubatanidzwa pakati pehurumende yeZimbabwe nekambani yekuChina, uye yakapiwa mvumo mwedzi wapera neKimberley Process yekuti ichitengesa mangoda ekwaMarange, asi ichiongororwa painenge ichitengesa mangoda ayo.

Vashandi ava vanoti havaone zvikonzero zvekuti vanyimwe mari nekuti mangoda ekambani iyi ari kutengeswa.

Studio7 haina kukwanisa kubata vekambani yeAnjin kuti tinzwewo divi ravo.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti dambudziko riri pakuti hapana anokwanisa kumiririra vashandi ava, sezvo nzvimbo dzinocherwa mangoda dzisingabvumidzwi kusvikwa nevanhu, kusanganisirawo vemasangano evashandi.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, VaMoses Mare, vanotiwo chinonetsa ndechekuti vekunze vanopinda munyika kuzotanga mabhizimusi, vanonyepa kuti vachazadzisa zvinodiwa nemitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG