Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vosangana neVashandirwi Vasina Kubatana


Vashandi vehurumende vari kutarisirwa kusangana nevamiriri vehurumende neChitatu mumusangano weNational Joint Negotiating Council, uyo uchakurukura nyaya dzemihoro yevashandi pamwe nemashandiro avo.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vose vehurumende, reApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti vashandi vachashandisa danho ravakanga vasunga muhurukuro dzemuna Ndira wegore rino, rekuti hurumende itarise mihoro pamwe nemari dzekubatsirikana.

Kubva kutanga kwegore rino vashandi vehurumende vari kuda kuwedzerwa mari dzavo dzemihoro pamwe nekuti mashandiro avo avandudzwe, asi hapana zvati zvafamba sezvo hurumende iri kuti haina mari.

Muna Ndira, vashandi ava vakamboramwa mabasa kwezuva rimwe chete senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nedanho ravaiti rakanga ratorwa negurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, rekusavaona panguva yavaida kusangana navo.

Muna Chivabvu, Apex Council yakanyorera tsamba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichida kuti vapindire mugakava remihoro iri, asi havasati vapindura.

Vashandi vari kuda kuti mushandi anotambira mari yepasi pasi, atambire mari inoita mazana mashanu nemakumi matatu ane madhora masere pamwedzi, asi pari zvino ari kutambira mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemadhora matanhatu pamwedzi.

Munyori werimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo raitarisira kuti vashandi vatore rimwe danho idzva, sezvo danho remuna Ndira risisashandi nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvakaita sekukwira kwemitengo yezvinhu

XS
SM
MD
LG