Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vopinda Muzuva reChitatu Vachiramwa Mabasa


Eliphas Mukonoweshuro
Eliphas Mukonoweshuro

Vashandi vehurumende vapinda muzuva rechitatu vachiramwa mabasa, vachiti vanoda kuti mari dzavari kutambira, dziwedzerwe. Vashandi vari kuda kuti hurumende ivatambirise mari inotangira pamazana matanhatu nemakumi matatu emadhora eku America pamwedzi.

Asi gurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, vanoti hurumende haikwanise kubhadhara vashandi ava mari dzavari kuda.

Masangano anomirira vashandi vehurumende anoti vashandi vanosvika zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana, havasi kuenda kubasa.

Kuramwa mabasa uku kwakatanga neChishanu muHarare, kukazopararira nenyika yose.

Hutungamiri hwemasangano evashandi hwanga huru muGweru neChipiri, huchikurudzira vashandi vose vehurumende kuti vasaende kumabasa, kudzamara hurumende yawedzera mari dzavanotambira.

Vadzidzisi nevamwe vashandi vehurumende vemuGweru vanoti vari kufara zvikuru nedanho rakatorwa nemasangano anovamiririra, rekuisa misoro pamwe chete, senzira yekukuratidza hurumende, kuti simba rayo rainodada naro, riri mumaoko emushandi.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti kuramwa mabasa kwevashandi vehurumende kunogona kukanganisa runyararo pamwe nehupfumi hwenyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCivil Society Monitoring Mechanism, VaDzimbabwe Chimbga, vanoti kuramwa kuri kuita vashandi kunoratidza kuti vashandi havachina chivimbo nehurumende yemushandira pamwe.

XS
SM
MD
LG