Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vehurumende Vodzokera Kumabasa


Masangano evashandi vehurumende vari pakuramwa mabasa, asangana muHarare akawirirana kuti vashandi vose vadzokere kumabasa kutanga neChipiri, apo hutungamiri hwemasangano aya huchange huchitsvaga nzira dzekutaurirana nehurumende.

Vamiriri vevashandi ava vanoti vatora danho iri sezvo hurumende yanga yava kutyisidzira vashandi vari pakuramwa mabasa nenzira dzakasiyana-siyana.

Nhengo dzeApex Council dzichaenda kumuzinda wePublic Service Commission neChitatu, uko dzinoti dzichanoratidzira kusvika hurumende yabvuma kutaura navo, pamwe nekugadzirisa zvichemo zvavo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, sezvo vanzi vari mumusangano.

Vashandi vehurumende vakapinda mukuramwa mabasa mwedzi wapera vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira. Vashandi vari kuda kuti mari dzemihoro yavo dzitangire paUS$630.00 pamwedzi.

Sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vaudza Studio7 kuti vachaenda kuparamende painotanga kuita basa musi wa16 Kurume, kuti vanosvitsa zvichemo zvavo kuvamiriri veparamende, sezvo hurumende isiri kusimudza musoro panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG