Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vachakamirira Kunzwa Kubva Kuna VaMugabe


Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti richakamirira kunzwa kubva kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mwedzi mumwe chete rakumbira kuti VaMugabe vapindire mukugadzirisa gakava remihoro nemashandiro evashandi vehurumende.

Kupera kwemwedzi wapera, sangano iri rakanyorera VaMugabe tsamba richivazivisa nezvematambudziko evashandi vehurumende, asi kubva ipapo kusvika pari nhasi harina zvarati ranzwa.

Sangano iri rakamboendawo kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, richida kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe, asi hakuna chimuko chakabuda.

Sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti neMuvhuro vakaziviswa neNational Joint Negotiating Council kuti vachasangana musi wa 4 Chikunguru kuti vamutsiridze hurukuro dzemihoro.

Asi vamwe vari kuchema kuti musangano uyu uchaitwa mumashure mekunge gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaparura hurongwa hwemashandisirwo emari hwepakati pegore.

VaBiti vari kutarisirwa kuparura hurongwa uhwu kutanga kwesvondo rinouya.

Kubva kutanga kwegore rino, vashandi vehurumende vari kungochemera kuti mushandi wepasi atambiriswe mari inotangira pamazana mashanu nemakumi matatu ane madhora masere pamwedzi.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanoti sangano reApex Council rakaresva parakasvitsa chichemo kumutungamiri wenyika, sezvo paive nedzimwe nzira dzakawanda dzekugadzirisa gakava iri.

XS
SM
MD
LG