Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoramba Kusangana neHurumende


Vashandi vehurumende neChitatu varamba kuenda kumusangano we National Joint Negotiating Council wavakakokwa nehurumende vachiti musangano uyu hauna zvauchabatsira sezvo gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakatarisirwa kutura hurongwa hwemari hwegore rinouya mudare reparamende mangwana.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wemasangano anomirira vashandi vehurumende vari pasi pe Apex Council, mutungamiri we Apex Council, Amai Tendai Chikowore, vati musangano wavanga wadaidzirwa hauna chaunobatsira pazvichemo zvevashandi vehurumende sezvo vachiti dzangove mombe dzamira nemhuru pasina mukaka uripo.

Amai Chikowore vati Apex Council inoda kuti hurumende ibhadhare vashandi mari dzavari kuda kubhadharwa dzegore rino isati yatanga kutaura nezvehurongwa hwemari hwegore rinouya.

Amai Chikowore vati vachapa hurumende mukana wekutaura navo mushure mekunge yapedza zvebhajeti vozowona matanho ekutora se Apex Council.

Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuwedzerwa mari dzavari kutambiriswa nehurumende vachiti mari yavari kutambira yakafanana nemutero wembwa.

Vanoti vaifanira kunge vakabvunzwawo nebazi rezvemari risati raumba hurongwa hwekushandiswa kwemari hwegore rinouya vachiti izvi ndizvo zvezvimwe zvanga zvichifanirwa kupinzwa mubhajeti renyika. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Mune imwewo nyaya, mapurisa arambidza VaSilvanos Mudzvova, avo vane mukurumbira munyaya dzezvemitambo, kuratidzira muHarare vachiti izvi zvingangokanganisa hurongwa hwekuturwa kwebhajeti neChina.

VaMudzvova vanga vachida kuratidza pamusana pehuwori hunonzi hwatekeshera munyika vakananga kuparamende kwavanga vachida kunosiya gwaro renhuna dzavo.

Mukupera kwezuva reChitatu, VaMudzvova vanga vari mubishi nemagweta avo kuda kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro re High Court yekuti vapihwe mvumo yekuratidzira padare reparamende pachange pachiturwa hurongwa hwekushandiswa kwemari naVaBiti.

XS
SM
MD
LG