Accessibility links

Breaking News

CFU Yonetsekana neVatongi Vakapihwa Minda


Sangano reCommercial Farmers Union rinoti vatongi vematare edzimhosva vanosvika gumi nevatanhatu, vakapihwa mapurazi nehurumende, izvo zvinoita kuti maoko avo ange asina kuchena pose pavanonzwa nyaya dzinenge dziine chekuita nekubvutwa kwemapurazi avachena.

Bepanhau repa internet reZimOnline rinoti CFU yaburitswa gwaro rinotaura nezvekupihwa kwakaitwa mapurazi kuvatongi vematare, uye vatongi ava vachimbotonga nyaya dzine chekuita nekubvutwa kwemapurazi.

Studio7 haina kukwanisa kubata CFU kuti tinzwe zvizhinji.

Asi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kunyange hazvo vatongi vematare vari vana vemuZimbabwe vanofanirwawo kuwana mapurazi aya, chinonetsa ndechekuti mapurazi aya akatorwa nenzira dzinotyora kodzero dzevamwe vanhu, izvo vematare vanofanirwa kunge vari vayananisi.

XS
SM
MD
LG