Accessibility links

Breaking News

Varimi vekuLupane Vokohwa Pakuru neKushandisa Hunyanzvi Hutsva Mukurima


Apo pasi rose riri kushushikana nekuchinja kwemamiriro ekunze, uko kwave kukonzera kusanaya zvakanaka kwemvura, vamwe varimi vekuLupane vari kukwanisa kuramba vachirima zvisinei nekushomeka kwemvura vachidhandisa hunyanzvi hunoita kuti vazive huwandu hwemvura inodiwa muzvirimwa zvavo -kana kuti climate-smart technology muChirungu.

Amai Linda Ncube, avo vane makore makumi mashanu nemasere ekuberekwa vanoratidza kufara vachibatsirwa nevamwe kupepeta nekupakicha mumasaga goho ravo regorosi.

Amai Ncube ndeimwe yenhengo makumi matanhatu nemumwe dzeTshongokwe Irrigation Scheme iyo iri kumaruwa ekuLupane mudunhu reMatabeleland North.

Varimi vemubatanidzwa uyu vaive vambomira kurima gorosi kwemakore matatu apfuura nekuda kwekushomeka kwemvura yavanoshandisa kudiridzira kubva mudhamu reTshongokwe.

Kunyange havo vachifara kuti vakawana goho rakanaka regorosi, Amai Ncube vanoshushikana nenyaya yekuti mvura yemudhamu inokasika kupera nekuda kwekusanaya zvakanaka kwave kuita mvura uyewo nekuti vanodiridzira minda yavo vachishandisa migero izvo vanoti zvinopedza mvura yakwanda.

Nekuda kwekuona dambudziko rekushaikwa kwemvura paTshongokwe, mamwe masangano anoshanda akazvimirira ega ari pasi pemubatanidzwa weSizimele Consortium, achitungamirwa nesangano reDanChurchAid reluDenmark, akachera migodhi miviri iyo yave kushandiswa nevarimi kudiridzira nenzira yedrip irrigation, chimwe chikamu chemahekita makumi maviri nemana chinorimwa nevarimi ava

Pasi pachirongwa chimwe chete varimi ava vakadzidziswawo kushandisa michina midiki uye isinganetse kushandisa, uye Amai Ncube vanoti izvi zviri kuvabatsira mukurima kwavo.

Amai Kethiwe Ndlovu ndeimwe nhengo yeTshongokwe Irrigation Scheme. Amai Ndlovu vanotsinhira kuti kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuri kubatsira kuti varimi nenzira inovabatsira kuti vachengetedze mvura vachikwanisawo kurima zvirimwa zvakasiyana siyana kana zvichienzaniswa nemarimiro avachiita kare.

Kunze kwekurima zvirimwa zvakadai sechibage negorosi, varimi veTshongokwe vave kurimawo muriwo, madomasi, mabutternut magake nebhinzi izvo vanotengesa kuHwange, Victoria Falls neBulawayo.

Varimi ava vanorima minda mina uye munda mumwe chete mahekita matanhatu nechidimbu, murimi mumwe chete aine chidimbu chake muminda iyi.

Amai Ndlovu avo vaimbogara nemurume wavo muguta reBulawayo vanoti zvisinei nedambudziko rekushomeka kwemvura vanoona vachiwana pundutso mukurima.

VaChristopher Moyo avo vane makore makumi mana nemashanu ekuberekwa vakasiya basa ravaiita rekuchengetedza nzvimbo muguta reBulawayo makore gumi apfuura kuti vavewo nhengo yeTshongokwe Irrigation Scheme.

Vanhurume vechidiki vakawanda munzvimbo dzemumatunhu ekuMatabeleland vanowanzoenda kunotsvaga mafuro manyoro kuSouth Africa neBotswana asi VaMoyo vanoti havana kumboita pfungwa iyi.

Senzira yekuvandudza chirongwa chekurima kuchishandiswa ruzivo runoita kuti varimi varime zvine hungwaru, paTshongokwe lane inonzi muChirungu automated weather station iyo inoshandisa magetsi anobva kusimba rezuva.

Nzvimbo iyi inoongorora zvose zvine chekuita nemamiriro ekunze kusanganisira kupisa kana kutonhora, kunaya kwemvura nekuvhuvhuta kwemhepo. Zvose izvi zvinotumirwa necomputer iri pachiteshi ichi zuva nezuva kumuzinda weMeteorological Services kuHarare uye muzinda uyu unozozvishandisa kuzivisa varimi ava nezvemamiriro ekunze.

VaThandanani Ndlovu murimisi nebazi reAgritex kuLupane. Vanoti zvose zviri kuitika izvi zvinobatsira varimi zvikuru nekuti vanokwanisa kukohwa pakuru vasina kushandisa mari mari yakawanda.

Zimbabwe yave nemakore akawanda yakatarisana nedambudziko renzara nekuda kwezvikonzero zvakawanda kusanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura.

Chikamu chesangano reUN cheUnited Nations Development Programme chinoti gore rakapera vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe vaive vakatarisana nenzara munyika.

Dzimwe nyannzvi dzinoti kushandisa hunyanzvi hwechizvinozvino kunogona kubatsira zvikuru kuti varimi varwise kushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG