Accessibility links

VaMugabe Votambanudzirwa Purazi neKudzingirwa Vavakidzani Vavo

  • Jonga Kandemiiri

Mhuri dzinoda kusvika zana dzevarimi vakazvigarisa patsva mudunhu reMazowe West kuMashonaland Central, dzinonzi dzakabviswa zvine chisimba nemapurisa neMuvhuro pamapurazi maviri anoti reArnold neMbuya Nehanda kuitira kuti dzipe mukana mukuwedzerwa kwepurazi remhuri yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zvinonzi mhuri idzi dzakaendeswa kuConcession, uko dzinonzi dzakanosiiwa. Varimi ava vanonzi vakasiya zvirimwa zvinoda kusakurirwa nekutariswa uye zvipfuyo zvavo zvose.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mhuri yekwaMugabe iri kuda kuwedzera purazi rayo rekuchengetera mhuka pamwe nekupfuya mombe.

Aka hakasi kekutanga kuti vanhu vabviswe pedyo nemhuri yemutungamiri wenyika. Mhuri dzine chitsama dzakabviswa paivakwa imba yaVaMugabe nemhuri yavo kuBorrowdale.

Mumiriri weMazowe West uye vari nhengo yeZanu PF, Amai Margaret Zinyemba, vanoti havasati vapirwa zvizere nezvenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, vaudza Studio7 kuti vari pazororo, uye hatina kukwanisa kubata mutevedzeri wavo, VaAndrew Phiri.

Vakakwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri wemudunhu iri vakamiririra MDC-T, VaGilbert Kagodora, vanoti varimi ava vakaziviswa nezvedanho rekubviswa kwavo mukupera kwegore rapera, asi vakaramba kubva kudzamara vazobviswa nechisimba neMuvhuro.

XS
SM
MD
LG