Accessibility links

Breaking News

VaMatinenga Vanoti Bumbiro Idzva Rokwenenzverwa


Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti vari kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika vafamba nendima zvikuru chose, zvekuti vave pedyo nekupedza basa iri.

VaMatinenga vanoti bumbiro idzva rave kukwenenzverwa zvokuti richange rapera neMuvhuro svondo rinouya.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti changa chasarira pazvinetswa zvanga zvichimisa kupetwa kwechirongwa ichi, inyaya yemaumbirwo edare repamusoro soro, reConstitutional Court, asi

VaMatinenga vati nyaya iyi haina zvikuru zvainonetsa nazvo sezvo isina kubva muvanhu panguva yaiunganidzwa pfungwa dzevanhu.

Komiti iri kukokera hurongwa uhu yakanga iri kuNyanga svondo rapera uko yaiedza kugadzirisa makakatanwa anonzi aripo pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Zvinonzi kusvika pari zvino pava nekuwirirana pazvinhu zvakaita senyaya yekutongwa kwematunhu, iyo yanga yambotsviriridza zvikuru peZanu PF neMDC idzo dzange dzichirichinzi rainge roramba zvakanga zvambowiriranwa.

XS
SM
MD
LG