Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voti Vanodawo kuPinzwa Muchirongwa cheKuendeswa kweUpfumi kuVatema


Varairidzi vati vari kudawo kuti hurumende inge ichi vapinzawo muzvirongwa zvayo zvekuendeswa kweupfumi kuvatema, senzira yekuvasimudzira nayo, sezvo mari dzavo dzemihoro dziri pasi.

Izvi zvabuda kumusangano weZimbabwe Teachers Association, Zimta, wepagore wemazuva mazana, uyo uri kuitirwa kuBulawayo pasi pedingindira rinoti “Enhancing the Status of Teachers Through Empowerment”.

Mutungamiri weZimta, Amai Tendai Chikowore vaudza Studio 7 kuti vanoda kuziva kuti hurumende ichasvika kupi mukuedza kuendesa upfumi kunhengo dzavo kuburikidza nechirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema.

Rimwe sangano revarairidzi reProgessive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rati rinotsigira kurudziro yeZimta sezvo vamwe vashandi vehurumende vari kukwanisa kuwana cheuviri kubva muchirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema, asi ivo vasina chavari kuwana.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou vaudza Studio 7 kuti varairidzi havasi kungoda chete kupinzwa muchirongwa hcekuendeswa kweupfumi kuvatema, asi kuti mari dzavo dzemihoro dzinofanirwa kuramba dzichikwidziridzwawo.

Ukuwo, vechidiki vekumaruwa vanonzi vari kunyunyutawo kuti havasi kupinzwawo muzvirongwa zvekuvasimudzira sezvo vasiri kukwanisa kuwana mari dzekusimudzira vechidiki dzinonzi dzakaiswa mumabhanga nehurumende.

Mukuru weYouth in Democracy Initiative of Zimbabwe (YIDEZ), VaSydney Chisi vatiwo hurumende inofanirwa kutarisa nyaya yekuti vechidiki vari kumaruwa vari kurasiswa vachinzi havana kunyora zvakanaka matsamba ekuti vakwanise kubatsirwa nemari, asi vemumadhorobha vachiwana mari idzi.

XS
SM
MD
LG