Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyemura Kuteverwa kweBumbiro reMitemo kuMalawi


Vanhu vazhinji muZimbabwe vati vari kuyemura zvikuru kuteverwa kwebumbiro remitemo yenyika kuMalawi, zvichitevera kuendeswa kwemasimba ekutungamira nyika iyi kune mutevedzeri wemutungamiri wenyika iyi, Amai Joyce Banda, kunyange hazvo vari vebato rinopikisa hurumende.

Amai Banda vakagadzwa semutungamiri achafanobata matomu zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri wenyika, VaBingu Wa Mutharika.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika, vanoti Zimbabwe inofanirwa kudzidza zvakawanda kwazvo kubva muchiitiko ichi.

Nyanzvi idzi dzinoti Malawi yaratidza kuti inotevera bumbiro remitemo yenyika, kunyange hazvo pakanga paine mashoko ekuti bato raVaMutharika, reDemocratic People’s Party, rakanga risingadi kuti Amai Banda, avo vakadzingwa mubato iri, vakavambawo ravo bato rePeople’s Party, vatore chigaro chemutungamiri wenyika.

Vanoti chimwe chiratidzo chekuti mutemo hausi kuteverwa muZimbabwe, svondo rapera, makurukota eZanu PF akaramba kupinda mumusangano wekanzuru yemakurukota, uyo wakanga vakokwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachipa zvikonzero zvekuti VaTsvangirai vaida kuhwanda nemusangano uyu, asi ivo vachida kupinza musangano wedare remakurukota, uyo unofanirwa kupinzwa nemutungamiri wenyika.

Munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vanonzi vazivisawo kuti musangano wemakurukota wanga uchifanirwa kuitwa neChipiri waendeswa mberi kumusi weChina, sezvo VaMugabe vasiri munyika.

Asi vamwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paWestiminster University iri muLondon kuBritain, vanoti vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika vanofanirwa kunge vachipinza musangano uyu, kwete kumirira VaMugabe.

VaMugabe vanonzi vakaenda kuSingapore kunotsvagira mwanasikana wavo, Bona, nzvimbo yechikoro. Asi mashoko aya ari kurambwa nevakawanda, avo vanoona semashoko ekuhwandisa chokwadi pamusoro pezviri kuitika kumutungamiri wenyika pane ino nguva.

XS
SM
MD
LG