Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Vanhu Vatatu Vachibva Vafa kuShamva


Vanhu vatatu vanonzi vafa muShamva South mushure mekurohwa zvakaipisisa nemapurisa.

Wekutanga anonzi akafira muchipatara neSvondo manheru, vaviri vachinzi vafa neMuvhuro vari muchitokisi.

Izvi zvinonzi zvatsamwisa zvikuru vagari vemuShamva, avo vapinda mumigwagwa vachiratidzira kudzamara vasvika pakamba yemapurisa.

Zvinonzi mapurisa ashandisa zvombo zvehutsi hunokachidza, senzira yekuti vanhu vaparare, asi izvi hazvina kushanda.

Gavhuna vedunhu re Mashonaland Central, Va Martin Dinha, ndivo vanonzi vazotaura nevaratidziri ava vakavakurudzira kuti vaende kudzimba dzavo sezvo pachaitwa ongororo yekutsvaga chakakonzera kuti vanhu ava vafe.

Zvinonzi vanhu vafa ava ndevepapa Ashley Farm. Mapurisa anonzi akaenda kupurazi iri neSvondo achipomera vanhu ava mhosva yekubira mukadzi wemukuru wemapurisa wepa Shamva Police, nharembozha nemari inoita madhora gumi.

Mumwe weavo vange vachiratidzira, uye ari munyori muMDC-T mu Shamva South, Va Francis Kadiko, vanoti vambovharirwa nemapurisa kwechinguva chidiki vachipomherwa mhosva yekunhonga kasha rechombo chehutsu hunokachidza ranga rakandwa muvanhu nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa kuti tinzwe divi ravo.

Hatina kukwanisawo kuziva mazita evanhu vatatu vanonzi vafa mushure mekurohwa nemapurisa.

Marvellous Mhlanga-Nyahuye we Studio Seven aita hurukuro na vakadiko kuti tinzwe zvaitika.

XS
SM
MD
LG