Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoti Kambani yeEssar Iri Kufuratidzwa Moyo neHurumende


Gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, vanoti makambani ekuGermany neimwe yeku China, ayo ainge akakweretwa mari neyaimbove kambani yehurumende yeZiscosteel, ari kushishikana nekutadza kushanda kwechibvumirano chehurumende nekambani yekuIndia yeEssar sezvo izvi zvave kunonotsa kubhadharwa kwezvikwereti zvadzo.

VaNcube vaudza komiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri nemabhizimisi, kuti bhanga reKFW rekuGermany neSinosure yekuChina ainge akatarisira kunge abhadharwa mari yavo sezvo chibvumirano chehurumende ne Essar chainge chakatarisirwa kunge chatanga kushanda mukupera kwegore rapfuura.


VaNcube vanoti mumiriri weGermany muZimbabwe ari kuda kuvaona nekuda kwenyaya yechikwereti cheku KFW.

Vatiwo veSinosure vave kuramba kuti Essar ivabhadhare vachiti vanoda mari yavo kubva kuhurumende yeZimbabwe.

Ziscosteel ine chikwereti chinodarika mamiriyoni mazana matatu nemakumi mana emadhora kumakambani maviri aya.

Gore rapfuura hurumende yakatengesera zvikamu zvayo makumi mashanu nezvina muZiscosteel, kuEssar kuti patangwe kambani inonzi New Zimbabwe Steel.

Pasi pechibvumirano ichi, Essar inofanira kubhadhara zvikwereti zveZiscosteel zvinodarika mamiriyoni mazana mana emadhora.
Asi Essar haisati yabhadhara mari iyi sezvo hurumende isati yaita zvese zvinodiwa kuti chibvumirano ichi chitange kushanda.

Asi VaNcube vaudzawo komiti iyi kuti dare remakurukota rakabvuma svondo rapfuura apo yakapa mighodhi mitatu yesimbi yeBuchwa, Ripple Creek neMwanesi ku Essar kuitira kuti kambani yeNew Zimbabwe Steel ichitanga kushanda.

Vati vanotarisira kuti izvi zvinge zvaitwa mukupera kwemwedzi uno uye vati changosara chete kuti bazi rezvemighodhi richinyora tsamba yekutambidza mighodhi iyi kuEssar.

Pavabvunzwa kuti hurumende ichawanei pamighodhi mitatu iyi ine simbi dzinodarika mamiriyoni makumi mana ematani, VaNcube vati migodhi iyi haisi kutengeswa asi kuti iri kungopihwa kuEssar uye hapana chakaipa sezvo zviri izvo zviri kuitika kumakambani ese ezvicherwa munyika.

Panyaya yekuti sei Essar yakambomira kubhadhara vashandi vaive pasi pe Ziscosteel, VaNcube vati hapana chakashata pane zvakaitwa neEssar vakati kambani iyi yainge yatoita tsiye nyoro dzekubhadhara vashandi veZisco isati yatanga kuita basa.

Vati kusvika pari zvino Essar yashandisa mari inodarika mamiriyoni makumi matatu semari dzemihoro kuvashandi veZisco.

VaNcube vatiwo hurumende ndiyo yakatadza kuita zvayakabvumirana neEssar asi vati vachine chivimbo chekuti chibvumirano ichi chichatanga kushanda zvichitevera chisungo chedare remakurukota svondo rapfuura.

Svondo rapfuura Essar yakanzi yambomira kubhadhara vashandi ichigunun’una nekuita kwehurumende pachibvumirano chayo chekuti ivhure itange kugadzira simbi kuZiscosteel pasi pezita rekuti New Zimbabwe Steel

XS
SM
MD
LG