Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoti Hurumende Iri Kutenga Mishina Yakafa Kubva kuIndia


Munyori mukuru wesangano ravanachiremba reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara vanoti mimwe michina yakatengwa nehurumende haisi kushanda zvachose izvo zvoodza moyo yavanachiremba vachiti hurumende haisi kuratidza kuzvipira kugadzirisa zvichemo zvavo. Mimwe mishina isiri kushanda zvakanaka iyi yakatengwa kuIndia.

Vanachiremba vanoti hurumende iri kungorova bembera ichitaura nezvekuti vanoda mari yemihoro asi ivo vachitiwo vakaudza vakuru mubazi rezvehutano kuti havana zvikwanisiro zvakaita semichina nemishonga nekudaro kunyangwe vakadzokera kubasa hakuna zvinenge zvichiitwa.

Vachipindura panyaya yekuti hurumende iri kutenga michina yakafa, sachigaro weHealth Service Board Dr Paulinus Sikosana vakaudza studio 7 kuti iendese mibvunzo kumunyori mubazi rezvehutano Dr Agnes Mahomva avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Vanachiremba vave nemwedzi mitatu vachiramwa mabasa.

Hurukuro naDoctor Aaron Musara
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG