Accessibility links

Breaking News

Vana Vechidiki Makumimaviri Nevashanu VemuMbare Vowana Mukana Wekudzidziswa Chirungu NeMuzinda WeAmerica


Vana makumi maviri nevashanu vanotambudzika vemu Mbare vane makore ari pakati pegumi nemana negumi nemasere vachawana rubatsiro rwezvidzidzo zvechirungu kubva kumuzinda we America muZimbabwe. Izvi zvichaitwa pasi pechirongwa che English Access Microscholarship Programme.

Vana vachange vari pasi pechirongwa ichi vanosanganisira vana vane vabereki vakashaika nechirwere cheshuramatongo nevavo vanobva kumhuri dzinoshaya. Vana vari pasi pechirongwa ichi vachaita zvidzidzo zvavo kwemaawa mashanu pasvondo kwemwedzi dumi nemisere.

Aka ndekekutanga chirongwa ichi chichiitwa munyika uye muzinda weamerica uchange uchishanda ne Chiedza Child Centre iri muMbare. Mukuru we Chiedza Child Care Centre, va Marko Ndlovu, vanoti vari kufara zvikuru nechirongwa ichi sezvo chichabatsira vana vanotambura, asi vaine shungu dzekuwedzera ruzivo rwavo rwechirungu.

XS
SM
MD
LG