Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanopemberera Zuva reKubatana kweZanu PF nePF Zapu


Apo vanhu vange vachipemberera zuva reUnity Day kana kuti kubatana kweZanu PF nePF Zapu muna 1987, munyori anoona nezvekurongwa kwemabasa muZanu PF, VaWebster Shamu, vati zuva iri rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika uye rinofanirwa kuremekedzwa.

Asi vamwe vemapato ari munyika vanoti hapana chekupemberera sezvo huri hushamwari hwemapato maviri husinei navo.

Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wePF Zapu, muchakabvu Joshua Nkomo, vakanyorerana chibvumirano cherunyararo muna 1987.

VeMDC T, Zapu inotungamirwa naVaDumiso Dabengwa, pamwe neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, vanoti hapana chekupemberera kana mapfupa evanhu vakapondwa munguva yeGukurahundi asina kuvigwa zvakanaka, uye hama dzavo dzisina kuripwa.

Nyanzvi munyaya dzezvemationgerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster University muLondon kuBritain vanoti kuti zuva iri riite chiremera, Zanu PF inofanirwa kutanga yatambira zviri pachena kuti ichokwadi kuti vanhu vakawanda vakaponda munguva yeGukurahundi.

Vachitaurawo pamusoro pezororo iri, vanoona nezvekurongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMDC T, VaNelson Chamisa, vanoti zuva iri ndere Zanu PF ne PF Zapu, asi harichina basa nekuti rapfuurwa nekuchinja kwaita zvinhu munyika.

Dzimwe nhengo dzeZapu, idzo dzakabuda mumubatanidzwa weZanu PF muna Zvita wegore ra2008, dzinoti kubva padzakabuda, mubatanidzwa uyu wakabva waparara.

Imwe nhengo yeZapu yakaumbwa patsva, uye vaive murwiri weZapu munguva yehondo, Retired Colonel Lazarus Ray Ncube vanoti kubatana hapachina sezvo pane mumwe akashandisa mukana uyu kubata mumwe.

Asi Retired Major Cairo Mhandu, vaivewo murwiri wehondo vari kuZanu PF uye vari mumiriri weMazowe North muparamende, vashora vanhu vanoti vakabuda muZanu PF, vachiti chibvumirano chemubatanidzwa wemapato maviri aya chichiripo.

XS
SM
MD
LG