Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vabereki Vochema Chema neDanho reZvimwe Zvikoro reKuti Vana Varatidze Humbowo Hwekuti Havana Covid-19


Panguva iyo vabereki vari kuita gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro, vamwe vavi vari kushushikana nedanho rezvimwe zvikoro zveboarding izvo zviri kuti vana vanofanirwa kuuya kuchikoro vane humboo hwekuratidza kuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19. Mumwe mubereki uyo asina kuda kudomwa nezita, akatambira chiziviso chedanho iri kubva kuchikoro chemwana wake nezuro. Ati anonzwisisa chose kuti danho iri rinogona kubatsira kudzivirira kutekeshera kunogona kuramba kuchiita chirwere checCovid-19 asi ati zvinodhurira vabereki. Mutauriri webazi redzidzo yepasi VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rine matanho akatarwa anobudisa pachena kuti ndezvipi zvinofanirwa kuitwa muzvikoro vakati hapana mutemo unomanikidzira vadzidzi kuti vave nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19. Mutauriri webazi rezveutano VaDonald Mujiri vati hapana zvavange vachikwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo vange vari kunze kwenyika pari zvino. Nharembozha yemutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiri yange isingadavirwe. Mushure meongoro yakaitwa gore rapera, hurumende yakati vana vane makore gumi nemana zvichikwira vanokwanisa kubayiwa nhomba asi vasingaite zvekumanokidzwa. Mutungamiri wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum variwo gweta rinorwira kodzero dzevanhu Doctor Musa Kika vati mitemo iri kugara ichiitwa nehurumende pakudzivirira kupararira kwecovid-19 ndiyo inofanirwa kutevedzerwa kwete zvimwe zviri kunze kwemitemo iyi. Dr Henry Madzorera avo vakambove gurukota rezvehutano vati havawone kumanikidza kuti vana vechikoro kuti vave nehumbowo hwekuti havana Covido-19 kuchibatsira. Vati zvakakosha kuti hurumende iwone kuti matanho agara aripo ekurwisa covid-19 muzvikoro atevedzerwa. Dzimwe nyika dziri kuti vana vechikoro vavhenekwe hutachiona hweCovid19 vasati vadzokera kuchikoro dzakaita seAmerica dziri kupa vabereki pachena zvikwanisiro kana kuti matest kits acho.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG