Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanoti Hapana Sarudzo Dzinoitwa Zvinhu Zvisati Zvagadziriswa


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaudza dare reHouse of Assembly kuti zvose zvinodiwa kuti nyika iite nesarudzo dzakajeka zvinofanira kuitwa hurumende yemutanidzwa isati yasvika kumagumo kwayo muna Kurume gore rinouya.

Vachipindura mibvunzo kubva kunhengo inomirira Zengeza East mudare iri, VaCollin Gwiyo, wekuti sarudzo dzichaitwa riini, VaMutambara vati zuva resarudzo richatarwa kana zvese zvinodiwa kuti pave nesarudzo dzakajeka zvaitwa.

VaMutambara vati zvimwe zvinofanirwa kuitwa kuva nebumbiro idzva remitemo, kuvandudza mashandiro emauto kuti asaite zvematongerwo enyika, pamwe nekugadzirisa mashandiro ekutapa nhau nekufambiswa kwemashoko.

VaMutambara vati zvakakosha kuti nyika iite sarudzo dzakajeka. Vati vanhu havafaniri kukanganwa kuti nyika ine hurumende yainayo nekuda kwesarudzo dzainge dzisina kuitwa zvakanaka muna 2008.

Vachipindura mubvunzo kubva kunhengo yeKambuzuma, VaWillas Madzimure ve MDC-T, wekuti sei chibvumirano cheZimbabwe neEssar chekugadzirisa yaimbove Ziscosteel chisiri kufamba zvakanaka, VaMutambara vati pane kutaurirana pakati pehurumende nekambani iyi dzekugadzirisa zviri kunetsa.

Vati chiri kunetsa ndechekuti hurumende haina kunge yafunga zvakadzama apo yakapinda muchibvumirano neEssar.

Vatiwo haisi nyaya yeEssar chete iri kunetsa. Vati makambani ese ekunze ari kuuya munyika, ari kuuya nemari shoma, asi achitora zviwanikwa zvinokosha mabhiriyoni emadhora.

Vatiwo mitemo yenyika ino inobvumira izvi vakati hurumende inofanira kusandura mitemo iyi kuitira kuti iwane mari kubva kuzviwanikwa zvayo.

Panyaya yekambani yeGreen Fuels, VaMutambara vati pane komiti yedare remakurukota iri kuongorora nyaya iyi. Vati hurumende haisi kuda kuti Green Fuels itengesere mafuta ayo kunze kwenyika.

Kambani yeGreen Fuels inoti ichamisa vashandi vayo zviuru zvina nemazana mashanu sezvo iri kutadza kutengesa mafuta ayo emhando ye Ethanol-10. Kambani iyi inoda kuti hurumende igadze mutemo unomanikidza makambani anotengesa mafuta emotokari kuti ashandisewo Ethanol-10.

Asi zvinoratidza kuti pane kupokana muhurumende pamusoro peGreen Fuels sezvo gurukota rezvemando dzemoto, VaElton Mangoma, vaudzawo paramende kuti hurumende haingamanikidzi veruzhinji kutenga mafuta emotokari ane Ethanol-10.

VaMangoma vatiwo hapana anonatsoziva kuti Green Fuels yakatanga chirongwa chayo sei vachiti ndosaka dare remakurukota rakaumba komiti yekuongorora nyaya iyi nechinangwa chekutsvaga kuti yotora gwara ripi.

Mudare manga musina kana gurukota reZanu PF rauya kudare. Kanawo vatevedzeri vemakurukota eZanu PF vange vasimo mudare.

Mune imwewo nyaya, komiti yedare reseneti inoona nezverunyararo inoti haisi kufara nezviri kuitwa naVaMangoma zvekuramba vachitadza kuzopa humbowo kukomiti yavo panyaya dzekudzimwa kwemagetsi kuvarimi.

Sachigaro wekomiti iyi, seneta Damian Mumvuri, vati komiti yavo yaita chisungo chekuti kana VaMangoma vakasauya kukomiti yavo musi wa30 Kubvumbi, vachatora danho rekuti VaMangoma vatongwe nemhosva yekuzvidza paramende.

Gururkota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vanotarisirwa neChina kumira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko kuti vatsanangure matanho ari kutorwa nebazi ravo panyaya dzekusunungura masaisai munyika.

XS
SM
MD
LG