Accessibility links

Breaking News

VaMumbengegwi Votadza Kubuda muMali


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vanonzi vapinda parumana nzombe kuMali uko kwavanga vachipinda musangano weAfrican Union, zvichitevera kupidigurwa kwehurumende yaVaAmadou Toumani Toure nemasoja.

Mauto akapidigura hurumende akazivisa veruzhinji neChina kuti ndiwo ava kutonga. Hapana ari kuziva kuna VaToure nemakurukota avo.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kutaura nevanoshandira muhofisi yaVaMumbengegwi, zvinonzi VaMumbengegwi vakavharirwa muhotera pamwe chete nemakurukota anobva kune dzimwe nyika anga achipindawo mumusangano wekutarisa nyaya dzerunyararo muAfrica.

Mumiriri weZimbabwe kuSenegal, Amai Trudy Stevenson, avo vari pedyo neMali, vanoti VaMumbengegwi havagoni kubva pahotera yavari sezvo yakakomberedzwa nemasoja akapakatira zvombo.

Nyanzvi mune zvematongero enyika inotaura yakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti kupidigurwa kwehurumende yeMali chiratidzo chekuti mauto anofanirwa kuvandudza mashandiro awo.

XS
SM
MD
LG