Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votukirira Britain Inotsigira Hungochani


Semagariro avo pose panovigwa magamba enyika, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakatsoropodza nyika dzekumavirira vachiti dziri kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

VaMugabe vatiwo bato ravo reZanu-PF raita zinyekenyeke sezvo dzimwe nhengo dzebato ravo dzava kuita zverusarura rudzi munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMugabe vakataura izvi pamarinda anovingwa magamba paHeroes Acre pakuvigwa kwaVaMernard Muzariri avo vakapihwa ruremerekedzo rwegamba renyika nebato reZanu-PF.

VaMuzariri vanga vari mutevedzeri wemukuru wesangano revasori.

VaMugabe vakati Zimbabwe inyika ine kuzvitonga kuzere, nokudaro nyika dzekumavirira hadzifanire kuudza hurumende yavo zvekuita. VaMugabe vatsoropodzawo Britain vachiti inobvumidza zvechingochani vachiti hunhu uhu hwakafanana nehwembwa.

Mutungamiri wenyika abudawo pachena kuti maita zinyekenyeke mubato ravo reZanu-PF vachiti vamwe vavo vari mubato iri vanonyengedza kuti vanotsigira bato nekune rumwe rutivi vachiritengesa.

VaMugabe vakurudzira kuti muzvikoro zvese mudzidziswe zvematongerwo enyika vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zvese zvinofanira kuziva nhoroondo yenyika.

Mudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, havana kuuya pakuvigwa kwaVaMuzariri sezvo vachinzi havasi kunzwa zvakanaka.

Hapana kana mumwe chete auya pahutungamiriri hweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe chete neinotungamirwa naWelshman Ncube. Asi mutevedzeri wemutungamiriri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanga varipo.

Akataura akamirira mhuri yekwaMuzariri uye vari sekuru vemufi, VaFanuel Gukwe, vakatsanangura mushakabvu semunhu aive nerudo uye aishanda zvikuru.

VaGukwe vakatenda bato raVaMugabe nekupa VaMuzariri ruremekedzo rwegamba renyika.VaMuzariri vafa vave nemakore makumi mashanu nematanhatu ekuberekwa, uye vasiya mudzimai Ester nevana vashanu

VaMuzariri vakadzidzira zvehondo kuMgagago Training Camp kuTanzania vakazoshanda ku Botswana sa Political Commissar muhofisi yeZanu-PF.

Muna 1980 vakange vave kushanda muhofisi memutungamiriri wehurumende semusori. Muna 2003, vakazopihwa nyembe dzekuva mutevedzeri wemukuru wesangano revasori idzo dzavafa vainadzo mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vashora VaMugabe netsika yavo yekutuka vanhu parufu.

XS
SM
MD
LG