Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votyisidzira Switzerland neKuitorera Midziyo Yayo muZimbabwe


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti Zimbabwe inogona kutora midziyo yeSwitzerland iri munyika senzira yekudzosera zvayakaitwa nenyika iyi.

VaMugabe vanoti vane mazano akawanda ekudzosera danho rakatorwa neSwitzerland svondo rapera rekunyima mavhiza vanhu vatanhatu muchikwata chavo chevanhu makumi matanhatu nevaviri chaida kushanyira nyika iyi.

Vachitaura neSvondo panhandare yendege muHarare vachibva kuAsia kwavanga vanoshanya, VaMugabe vakati danho rakatorwa neSwitzerland rakavashamisa uye kuvasuvisa, vakati Zimbabwe inokwanisa kudzoserawo nekutora midziyo yenyika iyi iri munyika.

Switzerland ine midziyo inosanganisira kambani yeNestle iri munyika.

Vakanyimwa mavhiza vanosanganisira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, gurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche, mukuru wesangano revasori, VaHappison Bonyongwe, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, pamwe naSenior Assistant Commissioner, Martin Kwainona.

VaMugabe, avo vasina kuzoenda kuSwitzerland, vaida kuenda kumusangano wezvekufambiswa kwemashoko, weInternational Telecomunications Unions Summit, uyo waiitirwa kuGeneva.

Gurukota rezvehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, avo vakanga vapiwa vhiza, havana kuzokwanisa kuenda kumusangano uyu, uyo unonzi wakazonopindwa nemunyori mubazi rezvekunze kwenyika, VaJoey Bimha.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiita zvidzidzo zvePhD paWestminster University muLondon, kuEngland, VaPedzisai Ruhanya, vanoti mashoko aVaMugabe aya haana nematuro ose, sezvo Switzerland isina kutorawo midziyo yeZimbabwe.

Vati chinokwanisa kuitwawo neZimbabwe kunyima mavhiza zvizvarwa zveSwitzerland zvinenge zvichida kupinda munyika.

XS
SM
MD
LG