Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votarisirwa Kusvika neChitatu Vachibva kuSingapore


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kudzoka munyika neChitatu voita dare remakurukota neChina.

Dare iri raifanirwa kusangana neChipiri asi harina kuzoitwa sezvo VaMugabe vange vari kuSingapore ukjo vanonzi vanga vachitsvagira mwanasikana wavo, Bona, nzvimbo yechikoro.

Pange pasimuka mashoko ekuti VaMugabe vainge vorwara zvakaipisisa izvo zvakapa kuti makurukota eZanu-PF aite chipatapata kumhanya kumapepanhu vachiti mutungamiri webato ravo achiri mutano.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo nyaya yaVaMugabe yekungoenda enda kunze kwenyika iri kupedzera nyika mari uye iri kukanganisa zvakanyanya mabasa ehurumende sezvo VaMugabe vasingadi kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vabate matomu vachikokera dare reparamende.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti mashoko ekuti VaMugabe vari kurwara haana nematuro ose.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, avo vanotsigira bato reMDC-T, vanoti vanhu vane kodzero yekuziva nezvehutano hwemutungamiri wenyika yavo.

XS
SM
MD
LG