Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Havachaendi kuMhemberero dzeANC kuSouth Africa


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi havasi kuenda kuSouth Africa kumusangano wekupemberera kusvitsa makore zana kwaitwa nebato riri kutonga munyika iyi reAfrican National Congress, ANC.

VaMugabe vanonzi vakange vambovimbisa vakuru veANC kuti vachaenda kumabiko aya vachiti vaigona kusendeka parutivi zororo ravo kunyika dzekumabudazuva, kuitira kuti vange vari kumhemberero idzi.

Asi mutauriri waVaMugabe, uye vari munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, neChina vakati VaMugabe havasi kuzoenda kumabiko aya, kunyange hazvo nhepfenyuro dzehurumende dzainge dzati VaMugabe vachaenda kumabiko aya uko kwakakokwa vatungamira vanodarika makumi mana.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vachishanda vakazvimirira, VaClifford Mashiri, vanoti zvinoshamisa kuti VaMugabe vatadza kuenda kumabiko akadai.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, ndivo vaenda vakamirira Zanu-PF vachiperekedzwa nevanoona nezvemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, pamwe nemunyori wezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai.

VaMutasa neChhina vakashora ANC vachiti yakakundikana kugadzirisa matambudziko eAfrica vachiti yakaregerera Libya neDRC.

MDC-T ichange ichimirirwa sachigaro webato iri, VaLovemore Moyo.

XS
SM
MD
LG