Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voparura Chirongwa cheTNF Vachiti Hurumende Haina Mari Yekupa Vashandi


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChishanu vakaparura zviri pamutemo chibvumirano cheKadoma Declaration pasi pechirongwa cheTripartite Negotiating Forum, kana kuti TNF.

VaMugabe vati hurumende haina mari yekupa vashandi vayo vari kuramwa mabasa pari zvino. Asi vati ichaedza kugadzirisa dambudziko iri.

Vakurudzirawo kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika, zvibviswe. Vamwe vange vari pamusangano uyu vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, gurukota rezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chaimsa, vamiriri veZCTU pamwe nevashandirwi.

Gurukota rezvevashandi, Amai Paurina Mpariwa-Gwanyanya, vanoti kuparurwa kwechirongwa ichi kwakakosha zvikuru munyaya dzekugadzirisa kudyidzana kwehurumende nevashandi.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanotiwo vafara nemashoko ehurumende pamusangano uyu. Vatiwo vanovimba kuti vachashanda zvakanaka mune remangwana.

Asi vashandi vehurmende varamba kutambira mashoko aVaMugabe ekuti hurumende haina mari pari zvino.

Mashoko aVaMugabe anoteverawo mashoko egurukuta rezvamari, VaTendai Biti, ekuti hurumende iri kuwana mari shoma zvikuru uye yakawanda iri kuenda kunobhadhara vashandi.

Sachigaro wesangano revashandi vehurumende reAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti hurumende haina hany'a nevashandi vayo ndokusaka iri kuramba kutaura navo kunyange vave nenguva vachiramwa mabasa.

XS
SM
MD
LG