Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzirwa Kuti Vagadzirise Hondo Mubato Ravo


Vamwe vakuru vakuru muZanu-PF vanoti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, ndivo chete vangakwanisa kudzimura hondo yezvigaro iyo yava kukonzera zinyekenyeke mubato ravo.

Vari kuona zviri kuitika vanoti mubato iri mapindwa napongwe apo ratarisana nesarudzo dzema District Cordinating Commitees, DCC.

Hapana kuwirirana mumatunhu akaita seMasvingo, Manicaland, Mashonaland East, Bulawayo, Matebeleland North neMatabeleland South.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti svondo rinouya dare repamusoro soro mubato ravo, rePolitiburo richazeya nezvekunetsana kuri kuitika musarudzo dzemaDCC.

Asi vamwe vari kuyambira kuti hapana chinobuda mudare rePolitiburo sezvo musinawo kuwirirana. Imwe nyaya yonetsa inyaya yekuti vamwe vakuru mumauto nemapurisa vari pabasa, vachitsigirana neJoint Operation Command, iyo iri kushanda zvisiri pamutemo, vave kupinza vanhu vavo kuti vakwikwidze musarudzo dzeZanu-PF.

Pepanhau reZimbabwe Independent rinotiwo vamwe vari muchipurisa vanonzi vari kuda kukwikwidza vanosanganisa mutauririri wemapurisa, VaOliver Mandipaka.

Asi VaMandipaka vanoti havangataure nezvenyaya iyi sezvo vari kuZimbabwe International Trade Fair muBulawayo. Vamwe vari kuda zvigaro vasori vanoti VaLesley Humbe kuMasvingo, pamwe naVaFrancis Mukwangariwa kuMashonaland West.

Pane vamwewo vakasiya chiuto zvikuru kuMasvingo nekwaMutare vanonzi vari kudawo kukwikwidza muZanu-PF.

Vachitaurawo nezvehondo iri mubato ravo, sachigaro webato iri kuMashonaland East, VaRay Kaukonde, vanoti sezvo veDCC vari ivo vanozosarudza nhengo dzeparamende nedzeseneti, izvi ndizvo zviri kupa kuti zvinhu zviipe.

VaKaukonde vayambira kuti bato iri richatadza kuhwina sarudzo nekusawirirana.

Mukuru wechimwe chikwata cheZanu-PF chevanozviti vakarwira hondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda, vanotiwo chikwata chavo chinogona kurova vakuru vebato vavanoti vari kukonzeresa kusawirirana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishandida nesangano reInstitute For A Democratic Alternative for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti nyaya yekurwira chigaro chaVaMugabe ndiyo yonetsa mubato iri.

XS
SM
MD
LG