Accessibility links

VaMugabe, VaTsvangirai naVaNcube Votarisirwa Kukurudzira Runyararo Munyika

  • Blessing Zulu
  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, vari kutarisirwa kuita misangano munguva pfupi inotevera vachikurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga sezvo nyika yotarisana nesarudzo dzinonzi dzingangoitwe gore rino.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti uku kupedza nguva kurovera hoko padehwe retsindi sezvo mapurisa achiramba achisunga vanhu achitarisa kuti wabuda mumba maani. Veruzhinji vanoti mapurisa anofanirwa kuchinja maitiro awo oshanda asingaise zvematongerwo enyika mukati.

Zvimwe zvichanetsawo pamisangano iyi kunetsana pakati paVaNcube nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, avo vanoti havasi kucherechedza kusarudzwa kwakaitwa VaNcube.

Chikwata chaVaNcube chinoti hachitombodi kuti VaMutambara vange vari pamusangano uyu. VaMugabe, VaTsvangirai naVaNcube vakamboita musangano wakadai muna Mbudzi gore rapera kuRainbow Towers muHarare.

Sachigaro wemadzimai muZanu-PF, varizve mumwe wemasachigaro eJOMIC, Muzvare Oppah Muchinguri, vanoti danho iri rakanaka chose.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanoda kutanga vaona kuti hurongwa uhu hwakamira sei vasati vahutambira.

Munyori mukuru muMDC yaVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanoti musangamo uyu wakakosha zvikuru.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu-PF panyaya iyi.

Mune imwewo nyaya, imwe nhengo yeMDC-T inogara mumusha weHatcliffe, VaChristopher Maradzika, vanoti neMuvhuro vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF, vachivapomera mhosva yekupinda mune imwe nzvimbo mumusha uyu zvisina mvumo yeZanu-PF.

VaMaradzika vanoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi hapana akasungwa. Vanoti vasvitsawo zvakare nyaya iyi kuJOMIC. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Chiitiko ichi chinoitika panguva iyo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nemapurisa vari kukurudzira kuti vanhu vasiyane nezvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG